Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Kuti Muganhu weBeitbridge Umbomira Kuvhurwa


Muganhu weZimbabwe neSouth Africa, weBeitbridge, uchamboramba wakavharwa mushure mekunge vakuru vezvehutano mudunhu reBeitbridge vazivisa kuti vanoda nguva yakakwana yekugadzirira kudzivirira Covid-19 vasati vavhura muganhu uyu.

Mukuru wezvehutano mudunhu iri Doctor Lenos Samhere vakaudza bepanhau reHerald neChipiri kuti vanoda kutanga vaona kuti vanhu vakawanda vabaiwa nhomba muganhu uyu usati wavhurwa, uyewo kuti vanoda vamwe vashandi vezvehutano pamwe nezvikwanisiro kuitira kusimbisa chikwata chavainacho kare.

Veruzhinji vanga vachitarisira kuti Zimbabwe ichakasika kuvhura muganhu uyu mushure mekunge South Africa yavhura divi rayo remuganhu uyu.

Zimbabwe iri kutora matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vakabatwa pamwe nekufa neCovid-19 munguva yezororo reKisimusi.

Vanhu vakawanda vakapinda munyika vachibva kuSouth Africa, iyo inove nyika yakabatwa zvakanyanya neCovid-19 muAfrica yose.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rebazi rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe panyaya iyi.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Rcky Mukonza, avo vari muSouth Africa, vanoti danho rekuramba muganhu uyu wakavharwa idanho rakaomera hurumende sezvo yakatarisana nezvinhu zviviri zvakakosha, hutano hwevanhu kune rimwe divi, kuchitiwo hupfumi hwenyika kune rimwe divi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG