Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuvandudza Bhiri reMutemo weHutano


VaDavid Parirenyatwa
VaDavid Parirenyatwa

Komiti yeparamende inoona nezveutanoiri kutsutsumwa zvikuru nenguva yakareba yatorwa nebazi rezveutano kuti riunze bhiri idzva rekuvandudza mutemo wezveutano, Public Health Bill kuzozeyiwa mudare reParamende.

Vachitaura pamusangano warongwa nemasangano akazvimiririra wekuzeya bhiri iri, imwe nhengo yekomitiyezveutano mudare reParamende, vachimirirawo Gutu South, Doctor Paul Chimedza, vati nyika haingarambe ichishandisa mutemo wa1924 mugore ra2017.

VaChimedza vati mutemo wePublic Health Act uyu haugoni kushanda zvakanaka pari zvino sezvo zvirwere zvavako mazuva ano zvasiyana nezvaivako muna 1924, uye zvinodiwa munyaya dzezveutano, zvachinjawo.

VaChimedza vakurudzira bazi rezveutano kuti riuyise bhiri rehutano nechimbi chimbi kudare reparamende.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa zvakanaka mubazi rezveutano, VaStephen Banda, avo vataura pamusangano uyu, vavimbisa kuti bhiri rePublic Health iri richange rave muparamende Nyamavhuvhu asati adarika.

Mutemo uyu une makore makumi mapfumbamwe nematatu.

Zvimwe zvezvisingachafambirani nenguva zviri mumutemo umu zvinosanganisira kurambidza varapi kuti vasarape vana vadiki vane zvirwere zvepabonde, uye mutemo uyu hauna zvirwere zvakaita seHIV/AIDS, Cancer nechirwere cheshuga kuti zvinorapwa sei.

Nhaurirano dzekuvandudza mutemo uyu dzakatanga muna 2010 asi kusvika pari zvino bhiri racho harisati rauya muparamende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG