Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Voshungurudzwa neHwaro Hutsva hweDzidzo Hwakaturwa naVaDokora


VaLazarus Dokora
VaLazarus Dokora

Vakaremara vanoti hwaro hutsva hwedzidzo hwakaiswa nehurumende haunei nekusimudzira dzidzo yevakaremara.

Vakaremara ava vanoti bazi rezvedzidzo harinawo kumbotora pfungwa dzavo kuti zvii zvavangade kuti zviiswe muhwaro hutsva uhwu.

Mumwe wevakaremara, VaManners Mukuviri, vanoti kunyorwa kwegwaro rinobatanidza vana vese kunoita kuti zvinodiwa nevana vakaremara zvisakosheswa munyaya yedzidzo.

VaMukuviri vanoti hwaro hutsva uhwu hautsananguri kuti varairidzi vachadzidzisa sei vanehurema hwakasiya-siyana

Amai Milka Gombera vane mwana akaremara.

Amai Gombera vanotinekuda kwekuti vazhinji vane hurema vanotora nguva ndefu vari pazvikoro, hurumende yaifanirwa kuratidzawo muhwaro hutsva uhwu kuti vachabetsera nekuendesa vana vakaremara ava kuzvikoro pachena sezvo vazhinji vachibva kumhuri dzinoshaya.

VaCharles Tsikani, avo vakaremara, vanoti nguva zhinji hurumende haitereri zvichemo zvavo.

Nyanzvi munyaya dzekudzidzisa vanhu vanorarama nehurema kuZimbabwe Open University, VaLincoln Hlatshwayo, vashorawo zvikuru hwaro hutsva hwedzidzo.

VaHlatshwayo vanoti hwaro hutsva uhwu kunyange hwaiswa mune mimwe mitaurohausati hwanyorwa nemutauro wemaoko kubatsira vasinganzwi nevasingatauri.

VaHlatshwayo vanoti hurumende yaifanirwa kuratidza muhwaro uhwu kuti vane hurema hwakasiya-siyana vanobatsirikana sei mukuwana kodzero yedzidzo.

VaHlatshwayo vanotiwo kunyange makore anonzi vana vatange chikoro anova pakati pemana nemashanu, anoratidza kuti hwaro uhwu hwakanyorwa pasina pfungwa dzevanomiririra vakaremara.

Vanomiririra vanhu vakaremara mudare reSenate, VaNyamayabo Mashavakure, vanoti kushaikwa kwezviga zvakaita segwara remutauro wemaoko ndezvezvimwe zvinoita kuti zvido zvevakaremara zvisarire shure.

VaMashavakure vanotiwo muhwaro hutsva uhwu hapana kujeka kuti vakaremara vachange vachiwana dzidzo sei.

Vane hurema vanoti kunyange hazvo pave nenguva vanyorera kuhurumende kuti vasangane negurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, kuti vakurukure zvinyunyuto zvavo vanoti havasati vapiwa mukana uyu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaDokora sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG