Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyika Dzobatana neVanhu muZimbabwe Mukuvigwa kwaVaTsvangirai


Vamiriri vedzimwe nyika muZimbabwe vakwanisa kubatana neruzhinji rweZimbabwe kumusha kwemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

Vamiri ava vanosanganisira venyika dzinoti America, Britain, Sweden nedzimwe nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paHuddersfield College kuBritain, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti huwandu hwevanhu pamwe chete nekuwanda kwevamiriri vedzimwe nyika kunoratidza kuti VaTsvangirai vange vari mutungamiriri anodiwa uye nyika zhinji dzange dzichivaona saivo mutungamiriri weZimbabwe chaiye.

Mumwe ange aripo pakuvigwa kwaVaTsvangirai mutungamiri webato rinopikisa muKenya, VaRaila Odinga, avo vanoti vakatanga kuziva VaTsvangirai muna 1993.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG