Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvishoma Zvodzokera Kumusha


Zimbabwe
Zimbabwe

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvisi kumhanyira kudzokera kumusha kunyange hazvo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichikuridzira kuti zvizvarwa izvi zvidzoke kumusha.

Vanoona nezvekurongwa kwezvinhu musangano reZimbabwe Exiles Forum, Amai Diana Zimbudzana, vanoti vanhu vazhinji havasati vaona mutsauko pakati pehurumende yaVaMnangagwa nehurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zviri kutsika madziro panyaya iyi kunyange hazvo mutungamiri wenyika akavasheedza kuti vadzoke.

KuSouth Africa, Zimbabwe Exiles Forum inoti haisi kuona vazhinji vane chido chekudzokera kumusha pari zvino.

Amai Zimbudzana vaudza Studio7 kuti kunyange zvavo vachikurudzira vanhu kuenda kumusha, vanoona kuti kumusha hakusati kwanyanya kunaka zvekupa vanhu chishuwo chekudzokera.

“Hatingoti vanhu ngavangomuka vachiti vavekuenda kumusha, iko kumusha kusina chouviri, kusina chokubata. Parizvino hapana vanhu vazhinji varikudzokera kumusha. Vazhinji varikuti ‘regai timbomirira tione kuti zvirikufamba zvichienda nokupi.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG