Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze Voronga Musangano Uchazeya Nzira Dzingabatsire Zimbabwe


Sangano reGlobal Zimbabwe Forum rinokurudzira VaEmmerson Mnangagwa kuti vataure nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kunze kwenyika
Sangano reGlobal Zimbabwe Forum rinokurudzira VaEmmerson Mnangagwa kuti vataure nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kunze kwenyika

Sangano reGlobal Zimbabwe Forum rinoti rinoda kuti hurumende ye Zimbabwe itaurirane nezvizvarwa zvayo zviri kunze kwenyika mukuona kuti zvingabatsira sei mukusimudzira nyika.

Vakafanobata chigaro chekufambisa mabasa esangano iri, VaLuke Zunga, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvine basa guru razvinogona kuitira Zimbabwe, nekudaro vari kukurudzira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vataure nezvizvarwa izvi.

VaZunga vanoti neChishanu sangano ravo nemamwe, akaita seAction Support, Zimbabwe Diaspora Development Chamber, nemamwe masangano vachange vaine musangano mukuru, mu Johhanesburg, South Africa, vachizeya zvingaitwe nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika.

“Tinoda kuona kuti vanhu veZimbabwe varikufunga sei pamusoro pezviri kuitika kunyika kwavo. Hazvioneki kuti avo vari muDiaspora vanoti chii,” VaZunga vaudza Studio 7. “Tinoda kuti vanhu vabude nechidonzvo chekuti vanofunga sei nenyaya yeZimbabwe.”

VaZunga vati pane masangano akazvimiririra arikutsigira zvirikufungwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika naizvozvo zvizvarwa zveZimbabwe izvi zvinofanira kuratidza zvavanoda sezvo varipo vanogona kushanda navo munyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG