Accessibility links

Breaking News

Bato Idzva rePatriotic Zimbabweans Rinoumbwa neZvimwe Zvizvarwa Zviri Kunze neMunyika


Bato idzva rePatriotic Zimbabweans rakaumbwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.
Bato idzva rePatriotic Zimbabweans rakaumbwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamwe nezviri munyika, zvakabatana zvakaumba bato rezvematongerwo enyika idzva rinonzi Patriotic Zimbabweans.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato idzva rezvematongerwo enyika iri, VaCharles Muchineripi Mutama, avo vari mudunhu reMaryland muAmerica, vanoti chinhu chikuru chakaita kuti vaumbe bato idzva iri kuona kusakosheswa kwavanoti kuri kuitwa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nehurumende, zvikuru panyaya yekuti zvipiwe kodzero dzekuvhota zviri kunyika dzazvigere.

VaMutama, avo vaimbove sachigaro weMDC Aliance muDMV Branch, North America Province, vanoti chimwe chakaita kuti vatore danho iri inyaya yekusapiwawo kwevari kunze kwenyika zvigaro mumapato ezvematongerwo enyika ari kumusha, ayo anongotarisa vari munyika chete.

Vachipindura mubvunzo wekuti mapato ezvematongerwo enyika akawanda anongonyuka munguva yesarudzo achibva azongotsakatika, VaMutama vanoti bato rava harina kunangana nesarudzo dza 2023, asi kuti ibato richave nhaka yezvizukuru nezvizukuruhwi.

Humwe hutungamiri hwakafanobata zvigaro mubato rePatriotic Zimbabwe hunosanganisira Muzvare Chiwoniso Mpofu, semutevedzeri wemutungamiri webato, VaBenson Mandangu vari munyori mukuru.

VaTimothy Chiundiza ndivo sachigaro vebato, kuchitiwo VaCharles Chidavaenzi vari mutauriri webato.

VaClever Busumani ndivo vakafanobata chigaro chemurongi wemisangano, kuchiti VaPishai Muchauraya vari ivo munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Vakafanobata chigaro chasachigaro vemadzimai ndiMai Monica Borerwe, VaSamuel Khumalo vari ivo mubati wehomwe. Muzvare Emiliah Mwali ndivo vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo.

Bato idzva iri rakaparurwa mwedzi wapera, uye VaMutama vanoti rakatambirwa zvakanaka chose nevana veZimbabwe, zvikuru kuManicaland uko vanoti ndiko kwavanotarisira kuita muzinda wavo.

Hurukuro naVaCharles Muchineripi Mutama
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG