Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votambira Zvakaitwa neMauto


Mukuru wemauto VaConstantine Chiwenga
Mukuru wemauto VaConstantine Chiwenga

Zvizvarwa zveku Zimbabwe zvinogara kunze kwenyika zvinoti zviri kufara nezvakaitwa nemauto ayo akabvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamatomu zvichiti zvanga zvayaura nekushupwa nehurumende yeZanu PF.

Asi vanhu ava vanoti vanoda kuona mauto achidzosera masimba kune vezvematongerwo enyika.

Murwiri wekodzero dzevanhu, uye vari vamwe vevanhu vakavamba MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai muAmerica, VaNick Mada, vanoti shuviro yavo ndeyekuti mauto adzosere masimba kune vanoita zvematongerwo enyika kana zvaari kuda zvabudirira.

VaMada vanotiwo havaone mauto emuZimbabwe achiramba akabata masimba sezvinoitika kune dzimwe nyika.

Mashoko aVaMada anotevera kutorerwa masimba kwakaitwa VaMugabe nemauto nemusi weChipiri manheru.

Hurukuro Nava Nick Mada
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro NaVa Tapiwa Makuni
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG