Apo zvave pachena kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvisi kuzokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rino, masangano anomirira vana veZimbabwe vari kunze kwenyika ave kukurudzira vanhu vanokwanisa kuenda kumusha kunonyoresa kuvhota kuti vaite izvi pamukana wemazuva gumi nerimwe wakavhurwa zvakare neZimbabwe Electoral Commission kubva musi wa 19 kusvika musi wa 29 mwedzi uno.
ZEC yakazivisa kuti ichavhura dzimwe nzvimbo dzekunyoresa kuvhota dzinokwana kuita zviuru zviviri zvine gumi nesere, panguva imwecheteyo vanhu vanenge vachiongorora mazita avo mugwaro revavhoti ravepo.
Muguta reHarare, umo munonzi mune nzvimbo mbiri chete dzekunyoresera kuvhota uye vanhu vakanyoresa vachinzi vashoma zvikuru, munonzi muchange mave nenzvimbo makumi masere nembiri dzekunyoresa kuvhota.
Kunyange hazvo vana veZimbabwe vari kugara kunze kwenyika vari kuchema kuti vabirwa kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo dzekuti vavhote vari munyika dzavagere, masangano anosanganisira reZimbabwe Diaspora for Democracy, ari kukurudzira vanokwanisa kuti vaende kunonyoresa.
Mutungamiri wesangano iri, VaCharles Mutama, vanoti sangano ravo riri kushanda nemamwe masangano ari kunze kwenyika kukurudzira vanokwanisa kuenda kumusha kunonyoresa kuvhota, pamwe neavo vakanyoresa kare kuti vaende kunoongorora kana mazita avo akanyorwa zvakanaka mugwaro revavhoti.
VaMutama vakaburitsawo vhidhiyo yekuratidzira kwavo iyo yavari kuvhota vari kwavari, vachiti imwe yenzira dzekukurudzira hurumende kuti ivabvumidze kuvhota.
Facebook Forum