Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze Vokurudzirwa Kubatana Mukugadzirisa Matambudziko Ari Kumusha


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri Kunze kwenyika. Vakawanda vanoti vanoda kupiwa kodzero yekuvhota vari munyika dzavagere.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri Kunze kwenyika. Vakawanda vanoti vanoda kupiwa kodzero yekuvhota vari munyika dzavagere.

Zimbabwe inonzi iri kuramba ichinyura mumatambudziko mune zveupfumi pamwe nezvematongerwo enyika, zvichiwedzerwawo nenzara yakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka wapfuura.

Matambudziko aya anonzi nevamwe ave kutoda kuti vanhu vaise musoro pamwe vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru kuti zvinhu zvigadziriswe nekukasika.

Asi vamwewo ndivo vari kuti mamiriro aita zvinhu ave kutoda kuti munyika muitwe munamato kana bira chairo kuti nyika ichenurwe, sezvo yave kuita seyakageza negoka munyama.

Vari munyika vanonzi vari kunetsaka kuwana zvacho zvavanoda zuva nezuva zvakaita semvura, magetsi, uye chikafu, ukuwo mitengo yezvinhu ichiramba ichiita chamurambamhuru kukwira.

Ko, vana veZimbabwe vari kunze kwenyika zvii zvavangaitewo mukubatsira kugadzirisa matambudziko ari kumusha aya?

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri Kunze kwenyika chichidzidzisa paUniversity of Bergen kuNorway, Doctor Victor Chumhutu, chinoti vari kunze kwenyika vanokwanisa kuumba makomiti anokwanisa kuunganidza mari pamwedzi wega wega, iyo vanoti inozokwanisa kubatsira kugadzirisa mamwe matambudziko ari kumusha.

Doctor Chimhutu vanoti dambudziko riripo chete nderekuti hurumende haisati yarakidza vari kunze ava kuti vakakosha zvakadii, sezo pachiita sekunge pasina chivimbo pakati pemapoka maviri aya.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri Kunze zvinoti sezvo zviine bandiko guru kwazvo razviri kuita munyaya dzezvehupfumi munyika, zvinofanirwa kupiwawo kodzero yekuvhota zviri munyika dzazvigere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG