Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica zviri pasi pesangano reZimbabwe-USA Diaspora Community, zviri kubatsira nekupa mazano kune vamwe vanoda kuzama mhanza yavo muchirongwa chinopa magwaro ekugara nekushanda muAmerica cheDiversity Visa.
Chirongwa ichi, icho chinoitwa senjuga kana kuti lottery, chinoitwa gore roga roga, uye gore rino chakatovhurwa musi wa 07 Gumiguru chichi vharwa musi wa 10 Mbudzi.
Vari kupinda muchirongwa ichi vanenge vazobudirira kusarudzwa vanozoziviswa muna 2022, uye hapana mari dzinobhadhariswa kuti munhu anyorere kana kupinda muchirongwa ichi.
Mumwe wevari kubatsira nemazano, Muzvare Tonderayi Karimazondo, avo vari mudunhu reTexas muno muAmerica, vanoti vakatanga chirongwa ichi kuburikidza nekubatsira kwavaiita hama neshamwari dzavo dziri kumusha nekune dzimwe nyika, izvo zvakazoita kuti vaone kuti vanhu vakawanda vanoda kuforera magwaro aya, asi pachishaya vanopindura mibvunzo yavo.
"Saka zvaiita kuti vanhu vabva vangoshaya hanya yekuti vaite ndaa mubvunzo inenge isna anopindura. Saka ndozvakaita kuti titange chirongwa ichi," vanodaro Muzvare Karimazondo.
Vanoti pavakatanga chirongwa ichi muna 2017 vakabatsira vanhu vanopfuura mazana matatu, asi iye zvino vave kubatsira zviuru zvevanhu, unove mucherechedzo wekuti vanhu vari kufarira zvavari kuita.
"Patakatanga chirongwa ichi mugore ra 2017, takatanga nebato rimwechete paWhatsapp. Mukufamba kwemakore kusvika pari zvino muna 2020 tave nemapoka anosvika iwo gumi nemaviri. Tinobatsira vanhu vanopfuura zviuru zviviri kana zvitatu pagore," Vanodaro Muzvare Karimazondo.
Vanoti boka ravo kana hurumende yeAmerica havabhadharise mari.
Asi vanoti chavanoda kungwadza vanhu ndechekuti pavanenge vachisaina mafomu ekupinda muchirongwa ichi vakangoona vasvika panonzi vabhadhare mari vanofanirwa kubva vatongobuda mudandemutande iroro vonotsvaga rubatsiro kuzvikwata zvavainazvo zvinobatsira.
Muzvare Karimazondo vanoti munhu wese anokwanisa kupinda muchirongwa ichi, kusanganisira vane vana, uye vanofanirwawo kunge vaine magwaro ekufambisa kuti vatambirwe muchirongwa ichi.
"Hurumende yeAmerica ine zvainotarisira kuti avo vanoda kupindawo muchirongwa che Diversity Visa vange vainazvo kuti vakwanise kupinda muchirongwa ichi. Zvimwe zvinosanganisira five ma"O" Levels anosanganisira Chirungu. Kune mamwe mabasa avanoti futi munhu anokwanisa kushandisa se qualification. Kunodiwa mufananidzo we passport unoiswa pa application yako."
Vanoti kana uriwe uri kuforera unofanirwa kunge uine gwaro rekufambisa richiri kushanda, uye pavana vanofanirwa kunge vachiri pasi pemakore makumi maviri nerimwe kuti vakwanise kuforerwa nemubereki vavo.
Chirongwa cheDiversity Visa kana kuti Green Card, inzira inoitwa nehurumende yeAmerica kupa mukana avo vanenge vachida kuuya kuzotsvaga hugari kana kushanda muAmerica. Vanenge vaitawo rombo rakanaka rekusarudzwa vanozowana mukana uyu.
Muzvare Karimazondo vanoti kana pane vane mubvunzo, uyezve kana pane vanoda kupinda mumaboka avo eDiversity Visa, vanokwanisa kupinda kuburikidza nekuenda paFaceBook peji rinonzi US Diaspora.
Facebook Forum