Accessibility links

Breaking News

Mutemo weBritain Unorambidza Vanobva kuZimbabwe Unonzi Unobata Vashanyi Chete.


Britainyakadzika mutemo unorambidza vashanyi vanobva kuZimbabwe nenyika dzekuchamhembe kweAfrica kupinda munyika iyi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.
Britainyakadzika mutemo unorambidza vashanyi vanobva kuZimbabwe nenyika dzekuchamhembe kweAfrica kupinda munyika iyi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Gweta vari chizvarwa cheZimbabwe uye vari nhengo yeZanu PF kuBritain, Doctor Simba Mavaza, vanoti danho rakatorwa nehurumende yeBritain rekumborambidza vanhu vanobva kuZimbabwe nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica rakangonangana nevanhu vanenge vachida kushanyira nyika iyi, kwete vanenge vaine magwaro ekugara pamwe nekushanda muBritain.

Doctor Mavaza vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvagara zviine mabasa azvo kana kudzidza muBritain, uye zvine magwaro ekuzvarwa enyika mbiri idzi zvakabatwa nemutemo uyu zviri kunze kweBritain zvinokwanisa kudzokera zvisina dambudziko kana zvichingokwanisa kuzadzisa zvinodiwa nemiutemo wekudzivirira kuparadzirwa kweCovid-19.

Muzinda weBritain muZimbabwe wakazivisa kutanga kwesvondo rino kuti hurumende yawo yakadzika mutemo unomborambidza vashanyi vanobva kuZimbabwe pamwe nedzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica kupinda muBritain, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chabata zvakasimba dunhu reSADC, kusanganisirawo neZimbabwe.

Doctor Mavaza vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvichiri kunze kweBritain zviri kuda kunzwisisa nekujekeserwa pamusoro pemutemo uyu.

Asi vanoti danho ratorwa neBritain iri rakanaka chose sezvo rcihidzivirira kupararira kwedenda ranetsa pasi rose iri.

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG