Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobvumidza Vanhu Kushanya Kune Dzimwe Nyika


Ndege yeAir Zimbabwe. Zimbabwe yakavhura nhandare dzayo dzendege mushure mekumbovharwa kwenyika nekuda kweCovid-19.
Ndege yeAir Zimbabwe. Zimbabwe yakavhura nhandare dzayo dzendege mushure mekumbovharwa kwenyika nekuda kweCovid-19.

Zimbabwe yakazivisa neChipiri kuti yave kubvumidza zvizvarwa zvayo kubuda munyika, zvichitevera kuvharwa kwakanga kwaitwa nyika muna Kurume nepamusana pechirwere cheCovid-19.

Izvi zvakaziviswa paTwitter nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vachiti chisungo ichi chakaitwa nedare remakurukota.

Nyika zhinji dzave kubvumidza vanobva kune dzimwe kana vaine magwaro anoratidza kuti vakavhenekwa chirwere cheCovid-19 vakawanikwa vasina.

Dzimwe nyika dzinotiwo pamusoro pegwaro iroro, mushanyi anofanirwa kuvhenekwa zvakare paanosvika munyika iyoyo.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, vari nhengo yeZanu PF inomirira Makonde, VaKindness Paradza, vanoti hurumende yatora danho iri nekuda kwekuderera kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi.

Vanotiwo chimwe chikuru chakatariswa nehurumende kuderera kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 pamwe nekufa nacho.

VaParadza vanoti danho iri richapawo mukana kuvanhu vangadai vakanga vavharirwa munyika nekuda kwemutemo wairambidza kufambafamba kwevanhu, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Zimbabwe yakazivisa kuti yaizovhura nhandare dzayo dzendege kutanga musi wa01 Gumiguru, unove mwedzi uno kuitira kutambira vashanyi vanoda kushanyira nyika.

Asi miganho nedzimwe nyika haisati yavhurirwa veruzhinji, kunyange hazvo South Africa yakazivisa kuti yakavhura miganho yayo kutangawo musi wa 01 Gumiguru.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG