Accessibility links

Breaking News

Vari kuSouth Africa Votarisira Kuvhurwa Zvakare kweNzvimbo dzeKudyira Kunove Kunoshanda vekuZimbabwe Vakawanda


Vashandi vakawanda vari muboka rezvekutengeswa kwezvekudya muSouth Africa vanobva kuZimbabwe vari kutarisira kudzokera kumabasa kana boka ravo rakavhura zvakare.
Vashandi vakawanda vari muboka rezvekutengeswa kwezvekudya muSouth Africa vanobva kuZimbabwe vari kutarisira kudzokera kumabasa kana boka ravo rakavhura zvakare.

Sangano reAfrican Diaspora Forum, iro rinomirira zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa, rinoti rinotambira nemufaro hurongwa hwekuda kuvhurwa zvakare kwenzvimbo dzekudyira pamwe nedzekugadzirwa kwemisoro munyika iyi dzakanga dzavharwa munguva ino yeCovid-19.

Asi sangano iri rinotiwo riri kushushikana zvikuru nemashoko evamwe vakuru muhurumende yeSouth Africa ekuti vashandi vekunze vari kushanda mumabhizimusi aya vachadzikiswa huwandu hwavo.

Sachigaro veAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti kunyange hazvo mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakavimbisa kuti mabhizimusi madiki aya achavhurwa, havana kutara nguva yekuti achavhurwa riini.

Asi vanoti mashoko emutungamiri wenyika aya anongopa vekunze vanoshanda mumapoka aya tarisiro yekuti vave kudzokera kumabasa kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo zvakare sezvo vakanga vasisakwanisa kuita izvi nekuda kwedambudziko reCovid-19, iro rakavharisa mabhizimusi akawanda pasi rose.

Asi Doctor Sibanda vanoti vave kushushikana nemashoko avanoti akataurwa negurukota rezvehupfumi munyika iyi, pamwe nevamwe vakuru muhurumende, ekuti huwandu hwezvizvarwa zvekunze zvinoshanda mumabhizimusi aya hunofanirwa kuderedzwa zvakasimba.

Doctor Sibanda vanoti danho iri rinoisa vana veZimbabwe vakawanda parumananzombe sezvo vari ivo vakawanda vanoshanda mumapoka aya.

Vanotiwo vanotambira nemufaro mutongo wedare repamusoro muSouth Africa wekuti hurumende inofanirwa kupawo rubatsiro rweCovid-19 kuzvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa sezvairi kuita kuvanhu vayo.

Doctor Sibanda vanoti kana hurumende yeSouth Africa ikaita izvi, inenge yatora danho guru kwazvo mukuderedza njodzi yekutapuriranwa nekuparadzirwa kwechirwere nekuti vanhu vashoma ndivo vanenge vobuda vachinopemha zvekudya zvichienzaniswa nezviri kuitika iye zvino.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG