Accessibility links

Breaking News

Vatyairi veMagonyeti muSouth Africa Vorwiswa neZvizvarwa zveNyika Iyi


Zvizvarwa zvemuSouth Africa zviri kurwisa zvekunze zvichiti zviri kutora mabasa azvo ekutyaira marhorhi.
Zvizvarwa zvemuSouth Africa zviri kurwisa zvekunze zvichiti zviri kutora mabasa azvo ekutyaira marhorhi.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinotyaira magonyeti zvinoti zvave kugara zvakabatira ura mumaoko zvichitevera kurwiswa pamwe nekupisirwa marhorhi azvinotyaira nezvizvarwa zvenyika iyi zviri kuti vekunze havafanirwe kunge vachishanda muSouth Africa.

Kuratidzira kwakaitwa nezvizvarwa zveSouth Africa neChipiri izvo zvaivhara migwagwa nekurova vanhu, kunonzi kwakasiya chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakuvadzwa, uye magonyeti ane chitsama apiswa.

Zvizvarwa zveSouth Africa zvakavhara migwagwa zvichibatidza moto mumigwagwa kudzivirira kuti motokari dzisafamba.

Mumwe mutyairi anobva kuZimbabwe, VaPatrick Makuwaza, avo vari kuDurban, vanoti neChipiri zvinhu zvakanga zvakaipa zvekuti avridzi vemakambani avanoshandira vakatovakurudzira kuti vasapinda mumigwagwa.

Asi VaMakuwaza vanoti neChitatu vambodzokera mumugwagwa, kunyange hazvo vachiziva kuti uku kwanga kuri kuedza dziva negumbo nekuti mune dzimwe nzvimbo vari kuratidzira ava vanonzi vanga vachiri kunetsa.

VaMakuwaza vanoti hurumende yeSouth Africa iri kuvatsigira, sezvo iri kuti vabvumidzwe kushanda kana vaine magwaro anovabvumidza kunge vari pabasa, uye vanoti mapurisa ari kuedza kubatsira nekuvhura migwagwa yakanga yavharwa.

Hurukuro naVaPatrick Makuwaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG