Accessibility links

Breaking News

Mapurisa muSouth Africa Anosunga Zvizvarwa zveKune Dzimwe Nyika


Zvizvarwa zvekunze kwenyika zviri muJohannesburg, South Africa, zvinonzi zvaswera zvichitandanisana nemapurisa muguta iri.
Zvizvarwa zvekunze kwenyika zviri muJohannesburg, South Africa, zvinonzi zvaswera zvichitandanisana nemapurisa muguta iri.

Mapurisa emuSouth Africa anonzi asunga zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinodarika mazana mashanu uye kuvharisa zvitoro nemabhizimusi evabvakure ava muguta reJohannesburg.

Izvi zvinotevera kupazwa kwezvitoro zvezvizvarwa zvekune dzimwe nyika nemusi weChipiri manheru nezvizvarwa zvemuSouth Africa.

Svondo rapera, mapurisa akarwisana nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika muSouth Africa mushure mekunge mapurisa apinda muzvitoro zvevabvakure ava achitora nechisimba zvinhu zvaitengeswa nevanhu ava zvaaiti zvigadzirwa zvine mazita ekunyepera.

Sachigaro veAfrica Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti sangano ravo richiri kuedza kuti ritaure nemapurisa panyaya iyi.

Vanoti kushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvekunze muSouth Africa kunoomesera zvizvarwa zveZimbabwe, izvo zviri kutiza matambudziko ekumusha zvichinopindawo mumatambudziko ekusungwa nekuparadzirwa midziyo yazvo.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Asi vachinyora padandemutande reTwitter, mutungamiri wedunhu reGauteng, VaDavid Makhura, vazivisa kuti vavhara mukati meguta reJohannesburg vachitsvaga vanopara dzimhosva.

VaMakhura vatiwo zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinodarika mazana matanhatu zvisina magwaro ekugara muSouth Africa zvatorwa nemapurisa uko zviri kuongororwa kana zvisina dzimhosva.

Vatiwo pfuti dzakasiyanasiyana nemabara akawanda pamwe nezvigadzirwa zvisiri zvechokwadi zvawanikwawo muzvivakwa zvakasiyanasiyana zvapindwa nemapurisa.

Asi Doctor Sibanda vanoti zviri kuitwa nemapurisa kutyora kodzero dzevanhu sezvo ari kusecha muzvitoro zvevanhu varidzi vasipo, uye kushungurudza vanhu kunyange pasina humbowo hwekuti ndivo vari kupara dzimhosva munyika iyi.

Vanoti vane hurongwa hwekusvitsa magwaro enyunyuto kuhurumende pamwe nesangano reUnited Nations, uye musi wa 21 mwedzi uno sesangano vari kupinda mumigwagwa vachiratidzira vachinyunyuta nemabatirwo avanoti ari kuitwa vekune dzimwe nyika muSouth Africa.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG