Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopa Muzinda weZimbabwe kuSouth Africa Mvumo Yekufambisa Mapepa eVanofira Munyika Iyi


Vashandi vepane chimwe chipatara muAmerica vachibvisa mutumbi kumochari.
Vashandi vepane chimwe chipatara muAmerica vachibvisa mutumbi kumochari.

Hurumende yazivisa kuti yapa muzinda weZimbabwe uri muSouth Africa mvumo yakakosha kana kuti special waiver, yekufambisa mabasa ekudzoswa kumusha kwemitumbi yezvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvashaikira munyika iyi munguva ino yeCovid-19.

Mashoko aburitswa nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, padandemutande reTwitter anoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvisina magwaro ekufambisa zvinenge zvashaya zvave kukwanisawo kudzoswa kumusha zvisina dambudziko.

VaMangwana vakati izvi zvave kukwanisa kuitika kana hama dzemufi dzakangokwanisa chete kuwana gwaro re affidavit rinobva kuna sabhuku wavokana sadunhu vekwazvinobva, kana affidavit inobva kuhama dzemufi.

Hurongwa uhwu husati hwavepo, magwaro ekutakura mutumbi anonzi aitotumirwa kuZimbabwe kuti agadziriswe, izvo zvinonzi zvaitora nguva vanhu vakamirira.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muSouth Africa, zvikuru zviya zvinenge zvisina magwaro akakwana zvanga zvichishaira munyika iyi, zvinonzi zvanga zvichitarisana nedambudziko gukutu kuti mitumbi yazvo ikwanise kuendeswa kumusha kunoradzikwa zvine ruremekedzo.

Sachigaro verimwe remasangano anobatsira vana veZimbabwe muSouth Africa, reGlobal Zimbabwe Forum, VaSolomon Sox Chikowero, vanoti sesangano vanotambira nemufaro hurongwa uhwu sezvo huchaderedza nguva ichatorwa nevehukama vachifambira mapepa ekuti vakwanise kutakura mutumbi kuenda nawo kumusha.

VaChikowero vanoti zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muSouth Africa zvisina mapepa zvinopedzisira zvave kushandisa magwaro enhema anenge asina mazita avo chaiwo, izvo zvinozonetsa kana vanhu ava vakazenge vashaya.

Asi vanoti hurumende inofanirwa kubatsirawo pakutakurwa kwemitumbi kuendeswa kumusha, sezvo dzimwe mhuri dziri kutatarika kuunganidza mari dzinenge dzichidiwa kuti zvibudirire.

Hurukuro naVaSolomon Sox Chikowero
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG