Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Voumba Kambani Inoshanda neNyaradzo Funeral Home


Chirongwa cheSahwira International Plan chinonzi chicharerutsira hama dzinenge dzashaikira kunze kwenyika kuti dzinovigwa kumusha.

Nekuona dambudziko rinosanganikwa naro nevanenge vashaikirwa nehama kana shamwari kunze kwenyika, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvakabatana neNyaradzo Funeral Home mukushambadza chirongwa chekambani iyi cheSahwira International Plan, icho chinonzi chinobatsira vari kunze kwenyika panguva dzekushaikirwa.

Chimwe chezvizvarwa zveZimbabwe zviri muchirongwa ichi, VaEsau Mavindidze, vanoti ivo nevamwe vavo vatanhatu vakabatana vakaumba kambani yeMKI, iyo yakazobatanawo neNyaradzo Funeral Home mukutengesa chirongwa ichi.

VaMavindize, avo vari mudunhu reNorth Carolina muAmerica, vanoti chikuru chakavasunda kuti vatore matanho aya ndechekuona kutambura kunoita vanenge vasara vachiedza kuunganidza mari yekuchengeta hama yavo zvine chiremera.

"Sekuziva kwamunoita, zvizvarwa zveZimbabwe zvapararira pasi rose, saka panga pasina an organized funeral policyyakaita seyatangwa iyi yeSIP, Sahwira International Plan. Saka iplan inobva kuNyaradzo as their international division ino cover maZimbabweans ari mu diaspora, VaMavindidze vanodaro.

VaMavindidze vanoti vanoona kazhinji mumwe akashaika ari kunze kwenyika hama neshamwari dzinoumba homwe yeGo-Fund-Me yekuedza kuunganidza mari yekuviga munhu uyu kana kuendesa mutumbi wake kumusha, danho ravanoti rinorwadza vasara.

"For us it's a community service also nokuti sekutaura kwandamboita, togara tichingoona hama dzedu dzashaika tinoita maGo-Fund-Me. Tikaona kuti aah, apa tika teamer up nekambani ine good reputation seNyaradzo panyaya dzokuviga vanhu noku repatriator I think tinenge taita zvine musoro," vadaro VaMavindidze.

Chirongwa ichi chinonzi chinopa mukana kumhuri ina baba naamai nevana vari pasi pemakore makumi maviri nematatu, uye vabereki pamwe nehama dziri munyika yavagere kana vari kumusha kuitira kuti vachengetedzwe zvine chiremera.

Zvinonzi kana anenge apinda muchirongwa cheSahwira International Plan ichi ari oga asina mudzimai kana murume, anokwanisawo kunyoresa vana vake vane makore ari pasi pemakumi maviri nematatu kana hama dzake dzinosanganisira vabereki nemadzitezvara, uye dzimwe hama dziri munyika yaagere kana kumusha.

Zvichienderana nekuti munhu asarudza homwe ipi yechirongwa ichi, kana ashaika kana kushaikirwa, anokwanisawo kubatsirwa nekutakurwa kwemufi kuenda kumusha, kutengwa kwechikafu, bhokisi, kuwaniswa kwebhazi rekutakura hama, nezvimwe zvakawanda zvinosanganisira matiketi maviri endege ehama dzinenge dzichizoperekedza mufi.

VaMavindidze vanoti munhu anenge apinda muchirongwa ichi haazoremerwi zvakanyanya sezvo achizotarisirwa kunge achibhadhara mari shoma shoma kwazvo pamwedzi.

Hurukuro naVaEsau Mavindidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG