Accessibility links

Breaking News

Sangano reProudly263 Global Robatsira Vana veZimbabwe Vari Kunze Kutanga Mabhizimusi


Vakaumba Proudly263 Global uye vari CEO, VaStanley Makwara, (vechipiri kubva kuruboshwe), nevamwe vavo vavanobata navo musangano ravo.
Vakaumba Proudly263 Global uye vari CEO, VaStanley Makwara, (vechipiri kubva kuruboshwe), nevamwe vavo vavanobata navo musangano ravo.

Sangano reProudly263 Global, iro rakaumbwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa mushure mekunge zvaona kuoma kwakaita kutanga mabhizimusi kana usiri chizvarwa chenyika iyi, riri kubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamwe nezviri munyika nemikana yekutanga mabhizimusi azvo zvega.

Vakavamba sangano iri uye vari ivo CEO veProudly263 Global, VaStanley Makwara, vanoti vakaonawo kubatana kwezvimwe zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa, uye kutsigirana kwazvinoita mune zvemabhizimusi, izvo zvakaita kuti vati kana vana veZimbabwe vanozvigonawo.

VaMakwara vanoti chinangwa chesangano ravo, iro rave nenhengo dzinodarika zviuru zvitatu, ndechekusimudzira mabhizimusi nemagariro evanhu kuburikidza nekubatana vachizivana.

Vanotiwo seProudly263 Global, vakaumbawo bhanga rinonzi Hello Sahwira Mhlobo (HSM Bank), rinove remubatanidzwa wezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa, mushure mekuona kunetsa kwazvinoita kuti munhu ange achikwanisa kukwereteswa mari nemabhanga emo yekuti atange bhizimusi.

VaMakwara vanoti bhanga ravo rinokurudzira kuchengetedza mari uye rinowanisa nhengo dzaro zvikwereti zvine mutengo wakaderera kudarika kumamwe mabhanga.

Vanoti remangwana resangano ravo rakajeka zvekuti vanoona vana veZimbabwe vari kunze vachikwanisa kuvaka upfumi hweZimbabwe ivo vari kunyika dzavagere.

Hurukuro naVaStanley Makwara
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG