Svondo rino muchironga chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine hurukuro naVaTakawira Kapikinyu, vanobva kwaMutoko mudunhu reMashonaland East.
VaKapikinyu, avo vari mudunhu reMaryland muAmerica, vanoshanda kune rimwe sangano rinobatsira varombo pasi rose vachishandira vari muWashington D.C.
.Vakadzidza muzvikoro zvakasiyanasiyana kusanganisira pachikoro chepamusorosoro chemuZimbabwe, che University of Zimbabwe, uko vakaita dhigirii ravo rekutanga vakazoita zvakare rimwe repamusoro reMasters’.
Vakazouya kuno kuAmerica vachishanda nerimwe sangano, vachizoenderera mberi nedzidzo yavo zvakare.
Pari zvino VaKapikinyu vari kushandawo zvakare nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinobatsira vari kumusha zviri pasi pesangano reCitizens' Initiative, uye ivo pachavo vanobatsirawo vanhu vakasiyanasiyana vachivabhadharira mari dzechikoro.
VaKapikinyu vanoti chishuwo chavo chikuru ndechekuona zvinhu zvichigadzirisika kumusha mune zvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi, uye kuona vana veZimbabwe vemapato ezvematongerwo enyika akasiyanasiyana vachiwirirana nekushanda pamwe.
Facebook Forum