Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, svondo rino tine hurukuro naMufundisi Jacob Tozoona Maforo vekereke yeUnited Methodist Church, avo vari mudunhu reKansas muAmerica
Mufundisi Maforo vakabatana nevamwe vana veZimbabwe vari mudunhu iri vari kubatsira vari kumusha nezvinhu zvakasiyanasiyana zvinosanganisira mbatya nemakombiyuta, uye vari kubatsirawo zvakare zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinenge zvichidawo rubatsiro kuburikidza nechirongwa chavo che"Building for The Future."
Mufundisi Maforo vakaberekerwa paOld Mutare vakazokurira pamwe nekudzidza kuHeadlands vasati vadzokera zvakare kwaMutare kwavakazonodzidza paHartzell High School.
Vakazoenda kunoita zvidzidzo zvekubatsira pamwe nekusimudzira vanotambura kana kuti social work, pashure vachizonoita zvidzidzo zvechifundisi paZimbabwe Council of Churches Ecumenical and Human Resources Training Centre.
Muna 1995 Mufundisi Maforo vakazoenda kuAmerica asi vakazofunga zvekugara munyika iyi muna 1997, umo vakaita zvidzidzo zvepamusoro zvakasiyanasiyana uye kutanga kuita basa rechifundisi, panguva imwechete vachiita mabasa ekubatsira vanoshaya avakatanga vachiri mudiki vari nhengo yeYoung Men's Christian Association.
Facebook Forum