Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, VaSakara, Voriritira Mhuri Vari kuMalawi


Chizvarwa cheZimbabwe, VaAlick Sandikonda Sakara, avo vari kuMalawi.

Mushure mekuona kuoma kwakanga kwoita zvinhu munyika munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika, zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvakasunga twutundu zvakananga kunyika dzakasiyanasiyana kunotsvaga mafuro manyoro pamwe nerugare munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvakananga kunze kwenyika,ndaVaAlick Sandikonda Sakara, avo vari mu Lilongwe, muguta guru re Malawi uko vakavhura chitoro chavo chinotengesa zvekuvakisa dzimba.

VaSakara vakaberekerwa kuKaroi mudunhu reMashonaland West vakazodzidza kwakare kuKaroi neChinhoyi.

Asi nekuda kwekuoma kwezvinhu munyika, vakazowana mukana wekubuda munyika muna 2005 vachinotsvagawo mafuro manyoro kuMalawi.

Vanoti zvinhu zvakambotanga zvakavaomera semunhu akanga asiri kwake, asi vakazogadzikana vakakwanisa kuzovhura chitoro chavo icho vanoti chave kuvapawo mari yekuti vakwanisewo kubatsira vamwe.

VaSakara vanoti iye zvino vave kukwanisawo kubhadharira mari dzechikoro vana vanoshaya vekunharaunda yavo yeKaroi kwavanobva, kubatsirawo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muMalawi, uye kusimudzira mhuri yavo yavagere nayo ikoko.

VaSakara vanotiwo kuMalawi havasi kusangana nematambudziko seari kusanganikwa nawo nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakaita seSouth Africa neZambia, vachiti vakagarisana zvakanaka chose nezvizvarwa zveMalawi.

Vanoti vanokurudzira zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvibatsire nzvimbo dzazvinobva kuitirawo kusimudzirana nekupana mikana nevanoshaya.

Hurukuro naVaAlick Sandikonda Sakara
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG