Accessibility links

Breaking News

Firimu Rinoratidza Zvakaitika paSarudzo dza2018 muZimbabwe Roratidzwa muNew York


Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa ndivo vaitariswa nenhoroondo yefirimu rinonzi President riri pamusoro pesarudzo dza 2018.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa ndivo vaitariswa nenhoroondo yefirimu rinonzi President riri pamusoro pesarudzo dza 2018.

Firimu rinodonongodza mafambiro nenhoroondo yemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, musarudzo yemutungamiri wenyika yemuna 2018 rinonzi PRESIDENT, iro rakaitwa nemunyori wemafirimu ane mukurumbira Camilla Nielsson, riri kutarisirwa kuratidzwa muguta reNew York pamwe neLos Angeles muno muAmerica neChishanu svondo rino.

Chikwata chaNielsson chaive muZimbabwe muna 2018 chichizvionera pamhino sefodya zvose zvakatora nzvimbo musarudzo iyi pamwe nemumashure mesarudzo iyi, iyo inonzi nebato raVaChamisa yakanga isina kuchena uye yakabirirwa.

Sarudzo dza 2018 dzakauyawo panguva iyo vaive mutungamiri wenyika kwemakore anoda kusvika makumi mana, mushakabvu VaRobert Mugabe, vakanga vabviswa pachigaro muna 2017 nemauto, ayo akavimbisa veruzhinji sarudzo dzakanga dzakachena.

Asi izvi zvinonzi nenhoroondo iyi hazvina kuzoitika sezvo mauto akazopfura nekuuraya vanhu vatanhatu vakanga vachiratidzira mushure mesarudzo.

Nielsson, uyo akaitawo zvakare rimwe bhaisikopo pamusoro peZimbabwe muna 2014 rinonzi DEMOCRATS, akashandawo nemutambi wemafirimu ane mukurumbira wekuBritain Thandiwe Newton, uyo ane mumwe mubereki anobva kuZimbabwe, mukuumba bhaisikopo PRESIDENT.

Kunyange hazvo firimu iri richinzi nevamwe rinoratidza chokwadi chemamiriro ezvinhu muZimbabwe, vamwewo vanoti rakanyanya kutsamira divi rimwe chete, revanopikisa hurumende.

Sachigaro veMDC Alliance mudunhu re North America, VaTawanda Dzvokora, avo vachaenda kunoona firimu iri neChishanu kuNew York, vanoti vari kukurudzira vana veZimbabwe vose vane mukana zvisineyi nekuti ndevebato ripi kuti vaende kunoona firimu iri.

VaDzvokora vanoti firimu iri rinodzidzisa zvakawanda pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe uye kuti vanhu vazvionere voga zvinogaronyunyutwa nevanopikisa zvekuti sarudzo dzakabirirwa.

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG