Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika zvinorangarira mhuri dzazvo chete kana zvotumira rubatsiro kumusha, asi Muzvare Rutendo Saurombe vakadarika ipapo vakabuda mumhuri yavo pamwe nemunharaunda yavanobva kuManicaland, vachinobatsira vakwegura nevana vanotambura vekune mamwe matunhu.
Muzvare Saurombe, avo vari mudunhu reMaryland muAmerica, uye vachinyanyozivikanwa pamadandemutande, vanoti vave nechinguva chakati kuti vachibatsira mhuri dzakasiyanasiyana nechikafu, zvekupfeka pamwe nemari dzechikoro.
Munguva pfupi yadarika yezororo reKisimusi neGoredzva, Muzvare Saurombe vakawanikwa zvakare vachibatsira mhuri dzinokwana zana dzekumatunhu anosanganisira Masvingo neChihota, uye vana vanoshaya vekumisha yeJairos Jiri neHupenyu Hutsva iri muHarare.
Vanoti vakatora danho iri mushure mekuona rutsigiro rwavanowana pamadandemutande akasiyanasiyana avanotandadzana neveruzhinji, vachiti chirongwa chavo chakatambirwa zvakanaka chose nevanhu vakari kubatsira kumusha.
"Chirongwa chedu ichi chakatambirwa zvakanaka chaizvo patakatanga kutumira chikafu nekutsvagana nema orphanages atakabatsira," vadaro Muzvare Saurombe.
Pakuti vakasarudza sei vanhu vavakabatsira, Muzvare Saurombe vanoti: "Vanhu vatakabatsira vanhu vangori vanhu tisina kunge takananga kuti tiri kunanga pamai nhingi.Takangodhisaidha kuenda mumakomiyuniti akasiyanasiyana munzvimbo dzakasiyanasiyana tichibatsira mostly aah, vechikuru vataiziva kuti vanogona kunge vasitorina kana vana vari kumhiri kana vanovabatsirawo nguva yeChristmas."
Muzvare Saurombe vanoti kunyange hazvo vachimboita zvimwe zvinogona kuonekwa nevamwe sekunge zvisina kufanira kunge zvichiiswa pamadandemutande, vane zvakawanda chose zvavanoitawo zvinogona kubatsirawo vechidiki, vachiti vanotove nevamwe vana vanotoyemurawo zvakanaka zvavanoita.
"Zvatinoita pama social media apa hazvifanirwe kunge zvichiwiriranwa nazvo nevanhu vese. Chazvinoita ndechekuti hakuna munhu ari perfect. But tuma gesture twudiki itwotwo kana twuchikwanisawo kudzidzisawo vamwe vanhu.
"Vatoripo vana vanotinyorera vachitaura kuti ndiri kudawo hupenyu hwamuri kurarama uhwu, ndodawo zvamuri kuita izvi, ndofarirawo zvakati nezvakati. Havasarudze zvakashata zvatinenge taita kana paine zvakashata zvatinenge taita," vanodaro Muzvare Saurombe.
Vanokurudzirawo vamwe vari kunze kwenyika kuti vasangomira nemhuri dzavo chete kana vobatsira vari kumusha, asi kuti vatambanudzewo maoko avo vachibatsirawo vasina miikana yakaita seyavo pamwe nemhuri dzavo.
Facebook Forum