Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinonzi zviri kunyunyuta nekukundikana kwehurumende kuzvipa magwaro azvienge zvichida, zvikuru ekufambisa kana kuti mapasipoti.
Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika rakaburitsa mashoko aya padandemutande reTwitter, richiwedzera richiti vamwe vevanhu vanenge vaine magwaro ekufambisa akapera kushanda vari kuzopedzisira varasikirwa nemabasa kana kudzingwa munyika dzavanenge vagere nekuda kwekushaya magwaro aya, ayo anenge anonoka kumutsiridzwa.
Asi sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vanoti komiti yavo ichishanda nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika vane hurongwa hwekuti mizinda yenyika ifambise ndiyo nyaya dzemapasipoti.
Vanoti munhu anenge achida kumutsiridza kana kutora pasipoti itsva anenge oenda kunosiya mafomu ake kumuzinda wenyika yaagere, muzinda ndiwo wozotumira mafomu aya kumusha, pasipoti yotumirwa kumuzinda, munhu ozonotorera ikoko.
Izvi zviri kuitika panguva imwecheteyo bazi rezvekushanyirwa kwenyika riri kukurudzira zvizvarwa zvenyika zviri kunze kuti zvidzoke kumusha kunoshanya kana kutanga mabhizimusi.
Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vanoti hurumende inokoshesa zvikuru zvizvarwa zvenyika zviri kunze kwenyika, zvekuti hazvifanirwe kusara kunze muhurongwa hwekumutsiridza hupfumi hwenyika hweVision 2030.
Asi zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvakawanda zvagara zvichinyunyuta kuti hurumende inofanirwa kuzvibvumidza kuvhota pamwe nekuzvipa kodzero dziri mubumbiro remitemo, kwete kungoda kutora mari asi pasina zvavari kuwanawo.
Amai Mupfumira vakanga vari kuBritain svondo rapera, uko vakasangana nezvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda vachizvikwezva kuti zvidzoke kumusha.
Facebook Forum