Imwe nyanzvi yezvehutano hwepfungwa inoti zvakakosha chose kuti vanhu vane dambudziko rehutano hwepfungwa vapiwe rutsigiro nevanhu vari pedyo navo kuitira kuvabatsira kuti vakwanise kurarama munharaunda dzavagere.
Doctor William Guri, avo vanoshanda neboka rezvehutano hwepfungwa kuvana vadiki kuBritain, vanoti basa ravo ndere kupa rutsigiro muzvikoro, kuvana, kuvadzidzisi nekuvabereki, nechinangwa chekuti vana vakwanise kuwana rutsigiro vachiri vadiki kuitira kuti vazokura vakasimba muhutano hwavo hwepfungwa.
Doctor Guri vanoti basa rehutano hwepfungwa rinogona kuonekwa nevamwe sebasa risina kukosha, asi ibasa rakaskosha kwazvo rinofanirwa kutsigirwa nedzihurumende pamwe neveruzhinji.
Vanoti pane zvakawanda zvinokonzera kuti munhu arware nepfungwa, zvinosanganisira kuomerwa nehupenyu, hurwere hweshuramatongo hweHIV/AIDS, kana kushaya basa chaiko.
Doctor Guri vanotiwo ongororo dzavari kusanganawo nadzo dziri kuratidza kuti chirwere chiriko iye zvino ichi che Covid-19, chiri kukonzerawo zvakare kuti vanhu vakanganiswe hutano hwepfungwa kuburikidza nekugara vanhu vakavharirwa mudzimba vasingasangane nevamwe kungava kumabasa, kunzvimbo dzekudyira, kana kumitambo.
Vanotiwo murwere weCovid-19 kana akasashanyirwa kuchipatara nehama neshamwari, anogona kukanganisika pfungwa zvakare.
Facebook Forum