Accessibility links

Breaking News

Vana veNharaunda yeHwirisha Vopemha Rubatsiro rweKirinika Yavo yeGandami


Zvimwe zvezvikwanisiro zviri kuunganidzwa nevana vekuHwirisha zvinosanganisira zvekuvharisa miromo nemhino, zvekudzivirira maziso nembatya dzinodzivirira hutachiwana kuti husapinda mumuviri wemhunhu.
Zvimwe zvezvikwanisiro zviri kuunganidzwa nevana vekuHwirisha zvinosanganisira zvekuvharisa miromo nemhino, zvekudzivirira maziso nembatya dzinodzivirira hutachiwana kuti husapinda mumuviri wemhunhu.

Zvizvarwa zvemunharaunda yeHwirisha kuChivhu, mudunhu reMashonaland East, zviri mumativi mana epasi rino zvine hurongwa hwekutsvaga mishonga nezvekudzivirira chirwere cheCovid19 izvo zvichazopiwa kukiriniki yeGandami kuti ibatsirike.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu, uhwo hwavari kuti “Ziva kwawakabva”, VaDewa Mavhinga, vanove zvakare gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vanoti vari kufara zvikuru kuti vana veHwirisha vanodarika zana vaungana pamwechete vachibatsira kiriniki yeGandami, iyo vanoti ine nhoroondo yakadzama yekubatsira vanhu vemunharaunda yavo.

VaMavhinga vanoti uku kutanga rwendo kwaitwa nezvizvarwa zvenharaunda yavo, sezvo vaine hurongwa hwekubatsirawo zvakare zvikoro zvakavatenderedza.

Vanoti nharaunda yavo ine vana vakawanda kwazvo vakabudirira kwazvo mumapoka akasiyanasiyana avanoshandira, nekudaro havaoni paine chingavatadzisa kusimudzira nharaunda yavo.

VaMavhinga vanoti vari kushanda pamwechete nevamwe vana veHwirisha vari kumusha pamwe nemunyika, .

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG