Accessibility links

Breaking News

Danho reHurumende reKubatsira Vakakanganiswa neGukurahundi Rotambirwa Zvakasiyanasiyana


Mauto e5th Brigade anopomerwa mhosva yendiwo akauraya vanhu munguva yeGukurahundi
Mauto e5th Brigade anopomerwa mhosva yendiwo akauraya vanhu munguva yeGukurahundi

Pava nemaonero akasiyanasiyana pamusoro pehurongwa hwehurumende hwekuti ichapa zvitupa zvekuzvarwa pamwe nezvekufa kuvanhu vakavhiringidzwa nemhirizhonga yeGukurahundi iyo yakaurayisa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri mumatunhu eMatabeleland neMidlands munguva iyo nyika yakanga ichangowana kuzvitonga kuzere.

Hurumende yakazivisawo kuti ichabatsira mukufukunurwa nekuvigwa patsva kwevakashaya munguva yeGukurahundi iyi.

Munyori mubazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, vakazivisa neChipiri kuti hurumende ichatorawo matanho ekudzivirira vakakanganiswa neGukurahundi kuti vasununguke kutaura zvakaitika kwavari.

Izvi zvasimudza mutauro muvanhu, vamwe vachiti hurumende inofanirwa kungodya imbwa hono kuburikidza nekungobvuma kuti ndiyo yakakonzera kuurayiwa kwevanhu, yokumbira ruregerero.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari vebato reMDC, uye vachitungamira sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti hapana chitsva pane zvose izvi sezvo hurumende yaVaRobert Mugabe yaingopawo vimbiso dzakadai asi pasina zvaizoitwa zvekubatsira vane dambudziko.

Vanotiwo vose vane chekuita nekupondwa kwevanhu uku vanofanirwa kumiswa pamberi pematare, uye poumbwa komisheni inoongorora zvakatora nzvimbo.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanoongorora zvematongerwo enyikauye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti danho ratorwa nehurumende rakakosha zvikuru kumwana weZimbabwe wega wega sezvo hurumende iripo iye zvino isingade kuona mwana wayo achitambura munyika make.

Vanoti musiyano uripo pahurumende mbiri idzi ndewekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yave kutobatsira vanhu vakawirwa nedambudziko, kwete kungotaura chete.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG