Accessibility links

Muzvare Shingi Mangwiro Vokurudzira Vamwe Kuvhura Mabhizimusi Kumusha

  • Jonga Kandemiiri

Muzvare Shingi Mangwiro vakavhura chitoro chembatya dzevana chinonzi Tudiki chiri muHarare

Kuzvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika, nyaya yekuita zvirongwa zvebudiriro kumusha inotovatyisa.

Vamwe vanotya kuti vanogona kudyirwa mari dzavo nehama kana shamwari mari dzavo dzavanenge vakadikitirira.

Vamwewo ndivo vanoti vanotya kuti mabhizimusi avo kana zvirongwa zvavo zvinogona kusafambiswa zvakanaka.

Asi mukati imomo mune vamwe vashoma vakaita saMuzvare Shingi Mangwiro, avo vanoti zviro zviyedzwa, chembere yekwaChivi yakabika mabwe yakanwa muto.

Muzvare Mangwiro, avo vari mudunhu reMaryland muAmerica, vakanovhura chitoro chavo chinotengesa mbatya dzevana kubva pavacheche kusvika pamakore gumi nemaviri.

Muzvare Mangwiro vanoti kunyange hazvo ivo vaimbotyawo kuti vanogona kubirwa kana kusafambisirwa bhizimusi ravo zvakanaka, vakaisa nzira dzinoita kuti vakwanise kutevere zvinenge zvichiitika muchitoro chavo, kunyange vari kunze kwenyika.

"Unofanirwa kunge uri very organised and panenge paine ma systems atakaisa kuti inini ndikwanise kunge ndichi monitor kuti chii chiri kuitika zuva nezuva. So ndine vashandi variko na manager vandinenge ndichitaura navo everyday vachindipa ma updates," vanodaro Muzvare Mangwiro.

Vanoti nekuda kwekuona kuti vakawanda vanotengesa mbatya kumusha vanonyanyotengesa dzemadzimai vachisiya dzevana nevanhurume, zvakavapa shungu yekuti vavhure chitoro chinotengesa mbatya dzevana, mabhuku, pamwe netwekutambiswa twevana.

Asi vanoti dambudziko riripo guru ravari kusangana naro ndere mitero inodiwa neZimra, iyo vanoti yakakura uyewo zvinodiwa zvacho zvakawandisa.

Mashoko aMuzvare Mangwiro anouya apo kambani yeGary Thomspon and Associates iri kushanya muAmerica ichikurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica kuita mabhizinesi anobatsira mukusimudzira hupenyu hwavo pamwe nenyika yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG