Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vari Kunze Vokurudzira Kubata Kugadzirisa Zviri Kunetsa Munyika


Kushaikwa kwemafuta edzimotokari, kushaikwa kwemagetsi pamwe nematambudziko ekukwira kwemitengo yezvinhu munyika, ndezvimwe zvaita kuti vari kunze vacheme kuti munyika munoda nhaurirano.
Kushaikwa kwemafuta edzimotokari, kushaikwa kwemagetsi pamwe nematambudziko ekukwira kwemitengo yezvinhu munyika, ndezvimwe zvaita kuti vari kunze vacheme kuti munyika munoda nhaurirano.

Zvime zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kukurudzira hurumende kuti igadzirise nekukasika matambudziko akatarisana nenyika mune zveupfumi, zvichiti matambudziko aya ave kuzviita kuti zviwedzere kuremerwa nemutoro wekuchengeta hama neshamwari kumusha.

Mumwe wevana veZimbabwe vari kunze kwenyika vari kuti kusagadzikana kwezvinyu kumusha kwave kuvaomera, ndaAmai Chenaimwoyo Mutambasere, avo vari kuBritain.

Amai Mutambasere vanoti chave kuremedza vakawanda vari kunze inyaya yekuti havachatarisirwa kungobatsira hama neshamwari dzavo chete, asiwo kubatsira veruzhinji kuburikidza nekubatsira mukutsvagwa kwezvinhu zvakawanda zvinosanganisira mishonga yekushandisa muzvipatara zvinorapa veruzhinji.

Vanotiwo vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vagara vaine bandiko guru kwazvo mune zveupfumi hwenyika kuburikidza nemari dzavanotumira.

Matambudziko ari kutarisana nenyika pari zvino anosanganisira kukwira kwemitengo yezvinhu, kushaikwa kwemafuta edzimotokari, pamwe nekushaikwa kwemari yekunze.

Amai Mutambasere vanoti chave kudiwa munyika iye zvino kuvandudzwa kwenyaya dzezvematongerwo enyika kuitira kuti vari kunze vave nechivimbo chekudyara mari dzavo munyika.

Vanoti chikuru chave kudiwa ndechekuti vana veZimbabwe vese vabatane vatsvage nzira dzekugadzirisa nadzo matambudziko aya kuitira kuti nyika ifambire mberi.

Hurukuro naAmai Chenaimoyo Mutambasere
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG