Accessibility links

Breaking News

Kumbonyevenutswa kweMuetmo weKufambafamba Kwokonzera Kukwira kweCovid-19 Pasi Rose


Vanhu vakawanda vakamhanyira kunotandara kumahombekombe enyanza pakambonyevenudzwa mitemo yekufambafamba munyika dzakawanda.
Vanhu vakawanda vakamhanyira kunotandara kumahombekombe enyanza pakambonyevenudzwa mitemo yekufambafamba munyika dzakawanda.

Sangano rezvehutano pasi rose, reWorld Health organization, WHO, rakazivisa kutanga kwesvondo rino kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 hwave kukwira zvakare, izvo zvave kuita kuti nyika dzakawanda dzitore matanho akasiyanasiyana ekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dzave kutora matanho anosanganisira kuendesa mberi kuvhurwa kwezvikoro, izvo zvaitarisirwa kuvhurwa musi wa 28 Chikunguru, unove mwedzi uno, nekuda kwekukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi, avo vasvika pachiuru nemakumi matanhatu nevana kana kuti 1 064.

South Africa, iyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi muAfrica yose, yakazivisawo matanho ekuedza kudzivirira kupararira kwe Covid-19, anosanganisira kumisa zvakare kutengeswa kwedoro uye kurambidza vanhu kufamba nguva dzeusiku.

England yakazivisawo kuti kubva musi wa 24 Chikunguru, munhu wese anenge achipinda muchitoro anenge ave kumanikidzwa kuvhara kumeso kwake.

MuAmerica, mamwe matunhu akatozivisawo kuti haasi kuzobvumidza kuvhurwa kwezvikoro, zvichireva kuti zvidzidzo zvichange zvichiitwa pamadandemutande kusvika kupera kwegore rino.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi nematatu nezviuru mazana mana kana kuti 13.4 million.

Chimwe chizvarwa cheBritain chakaberekerwa kuZimbabwe, Amai Tai Brown, vanoti kukwira zvakare kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 kunogona kunge kwakakonzerwa nekumbonyevenutswa kwemitemo yekusafambafamba kwevanhu nenyika dzakawanda.

Amai Brown vanoti vanhu vakawanda vakamhanyira kudzinyanza kunotandara, uyewo vamwe vachipinda mumigwagwa vachisangana mukuratdzira zvichitevera kushaya kwaVaGeorge Floyd vari mumaoko emapurisa echichena muAmerica.

Vanoti zviitiko izvi zvinogona kunge zviri zvimwe zvezvinhu zvakaita kuti vanhu vambokanganwa kutevera mitemo yekuzvidzivirira.

Amai Brown vanoti vakatangawo dandemutande ravo rinoti www.mrszim.com iro vanoti rinodzidzisa vanhu pamusoro pechirwere cheCovid-1 nekuti vanhu vangazvidzivirira sei kuchirwere ichi, pamwewo nezvimwe zvinobata hupenyu hwevanhu zuva nezuva.

Hurukuro naAmai Tai Brown
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG