Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chinove Mukoti muAmerica, Chinopona Kubva kuCOVID-19


Muzvare Tsitsi Mandara ndemumwe wavanamukoti pamwe nevamwe vashandi vezvehutano vari kusangana nenjodzi huru yekubatwa nechirwere cheCOVID-19.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinove mukoti chiri mudunhu reIndiana muno muAmerica chinoti chiri kutenda Mwari zvikuru nekupona kwachiri kuita kubva mudenda rarura pasi rose reCOVID-19.

Muzvare Tsitsi Mandara vanoti vakanga vasina zviratidzo zvikuru zvekuti vabatwa nehutachiwana hweCoronavirus kunze kwekungonzwawo kuneta nekurwadza kwenyama kunyange hazvo vaizorora zvakakwana, izvo zvavakafunga kuti zvaikonzerwa nekushanda.

Vanoti nekuda kwekuti vanoshanda nevarwere vakasiyanasiyana, vakazokurudzirwa nemukuru wavo pabasa pamwe nachiremba vavo kuti vakaongororwe, vakazoenda musi wa 24 Kurume 2020, vachizoziviswa zvakabuda muongororo iyi mushure memazuva matatu.

Muzvare Mandara vanoti pavakaziviswa kuti vakanga vabatwa hutachiwana hweCoronavirus vakamboramba kuzvitambira, asi muviri wavo wakazotanga kurwadza zvakanyanya, izvo zvakazoita kuti varare.

Kunyange hazvo pasati pave nemishonga inokwanisa kurapa COVID-19, Muzvare Mandara vanoti vaingonwawo mapiritsi anopodza marwadzo pamwe nemishonga yechikosoro uye kunatira Vick's senzira yekuti mapapu avo avhurike uye kutembenudza dzihwa.

Vanoti izvi zvaivabatsira kumboderedza marwadzo, pamusoro peminamato yavaiita pamwe neyaibva kumhuri yavo pamwe neshamwari dzavo pasi rose.

Muzvare Mandara vanoti vanotarisira kudzokera kubasa mukupera kwesvondo mbiri, kunyange hazvo vari kutya kudzokera vachiti vangangobata zvakare chirwere ichi.

Hurukuro naMuzvare Tsitsi Mandara
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG