Accessibility links

Breaking News

Vari Kudzokera Kumusha Vokurudzirwa Kutevera Zviga zveWHO Pakudzivirira Covid-19


Hurumende iri kukurudzirwa kuti ivheneke zvakasimba vose vari kubva kunze kwenyika pavanenge vachangopinda munyika, kwete kumirira kuti vatange vaenda kuma quarantine centre.
Hurumende iri kukurudzirwa kuti ivheneke zvakasimba vose vari kubva kunze kwenyika pavanenge vachangopinda munyika, kwete kumirira kuti vatange vaenda kuma quarantine centre.

Imwe nyanzvi mune zvehutano iri kukurudzira kuti hurumende yeZimbabwe pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzokera kumusha vatevedzere zvakasimba zviga zvakadzikwa nesangano reWorld Health Organisation, WHO, mukudzivirirwa kwekupararira kwechirwere che Covid-19.

Izvi zvinotevera huwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuwanikwa zviine chirwere ichi mushure mekunge zvadzokera kumusha kubva kunyika dzakasiyanasiyana kwazvigere kana kwazviri kushanda zviri.

VaFrenk Guni, avo vanove mukuru wekambani yeGlobal Health Consultancy and Progressive Insurance Partners International vachishanda vari muWashington D.C, vanoti zvakakosha zvikuru kuti hurumende painotambira vari kubva kunze kwenyika ava, ione kuti kunzvimbo dzavari kuchengeterwa vakamirira kuvhenekwa chirwere che Covid-19 dzakachena here.

VaGuni vanoti izvi zvakakosha kuitira kuti nzvimbo idzi dzisave hodzeko dzechirwere ichi kana kuti vanenge vapinda munzvimbo idzi vasina vasazobuda vave nacho.

Vanoti vanokurudzirawo vari kudzokera kumusha kuti vange vachizivawo pamwe nekutevera mitemo inoita kuti vasatapurirwa chirwere kana vachinge vazoiswa muma quarantine center aya mushure mekunge vasvika kumusha sezvo vamwe vevanhu vachinzi havasi kukoshesa nyaya dzekugeza maoko, kuvhara miromo pamwe nemhino, uye kusiya mikaha pakati pavo kana kuti social distancing.

Panyaya yekuti pangawanikwa mushonga wenhomba wekudzivirira kupararira kwechirwere ichi here kana kuti vaccine, VaGuni vanoti kunyange hazvo iye zvino paine mishonga iri kuedzwa munyika dzakasiyanasiyana kusanganisira muAmerica, zvinogona kutora kana kudarika mwedzi mitanhatu kuti izowanikwa.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kusvika masikati emusi weChitatu Zimbabwe yanga yave nevanhu mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemumwe (591) vabatwa nechirwere ichi, vazhinji vavo vari vanhu vari kubva kunze kwenyika, zvikuru kuSouth Africa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG