Accessibility links

Breaking News

Kusanzwisisika kweChirwere cheCOVID-19 Kwokonzera Kuwanda kweVanhu Vari Kufa neChirwere Ichi


Vashandi vari mune zvehutano vakawanda vari kubatwa nechirwere che coronavirus nekuda kwekusachinzwisisa.
Vashandi vari mune zvehutano vakawanda vari kubatwa nechirwere che coronavirus nekuda kwekusachinzwisisa.

Imwe nyanzvi mune zvehutano inoti huwandu hwevanhu vakabatwa pamwe nekuurayiwa nechirwere che coronavirus pasi rose, kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, hunogona kunge hwakakura zvichikonzerwa nekuda kwekushaiwa ruzivo pamusoro pechirwere ichi kubva kuvashandi vemune zvehutano pamwe nemakambani avanoshandira.

Doctor Natsai Zhou-Chidavaenzi, avo vanoshanda vari mudunhu reArizona muno muAmerica, vanoti sezvo chirwere ichi chakanyuka vanhu vasina kugadzirira, dzihurumende pamwe nemakambani anogadzira mishonga vachiri mushishi kutodzidzawo zvakawanda kubva machiri.

"Chekutanga chatinotaurirwa kumabasa edu it's vanhu vazhinji vane dambudziko rokunzwisisa chirwere ichi. Even vakuru vakuru mune CDC neveWorld Health Organisation vari kushanda mubato racho vari kuti chirwere ichi tiri kutodzidza as we go along tichiona maitiro acho nekuti chakasiyana-siyana pamaitiro acho," vanodaro Dr. Zhou-Chidavaenzi.

Vanoti zvikuru zviri kukurudzirwa ndezvekuti vanhu vazvidzivirire kuti vasachibata chirwere ichi, nekuti chakangokubata dambudziko riripo pari zvino nderekuti hapana mushonga wekurapa kana kudzivirira.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda, zvikuru kuBritain, zviri kurasikirwa nehupenyu nekuda kwechirwere che Covid-19 ichi.

Pasi rose vanhu vanodarika mazana maviri negumi nenomwe ezviuru vafa nechirwere ichi, kuchitiwo vanodarika mamiriyoni matatu nezana nemakumi matatu ezviuru vabatwa nacho.

MuZimbabwe, vanhu vanosvika makumi matatu nevaviri vabatwa ne coronavirus uye vana vafa nechirwere ichi.

Doctor Zhou-Chidavaenzi vanotiwo havafungi kuti matunhu emuAmerica ave kuronga kubvumidza zvakare vanhu kufambafamba agadzirira zvakakwana kuti izvi zviitike pachitariswa huwandu hwevanhu vanokwanisa kuzoenda kune dzimwe nzvimbo dzinogona kunge dzanga dzisina chirwere ichi.

Hurukuro naDoctor Natsai Zhou-Chidavaenzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG