Accessibility links

Breaking News

Kutyorwa kweKodzero Munyika Kwoomesera Kudzoka kweZimbabwe muCommonwealth


Zimbabwe yakanyorera ichikumbira kudzoserwa muCommonwealth gore rapera.
Zimbabwe yakanyorera ichikumbira kudzoserwa muCommonwealth gore rapera.

Hukama hweZimbabwe neBritain hunonzi hahuchina kumira zvakanaka zvichitevera kushandiswa kwechisimba nemauto munguva yekuratidzira kwakaitika mwedzi wapera, izvo zvakasiya vanhu vanodarika gumi nevashanu vaurayiwa, vakawanda vakuvadzwa, uye mazana asungwa.

Britain inonzi yakazivisa kuti haichatsigira Zimbabwe munyaya dzekumutsiridza hupfumi pamwewo nedanho rayo rekuti ibvumidzwe kudzokera mumubatanidzwa wenyika dzaive pasi pehutongi hweBritain, weCommonwealth.

Nekuda kwekutyorwa kwekodzero dzevanhu uku Britain inonzi yave kufunga kutowedzera vamwe vanhu pane vakatemerwa zvirango.

Gurukota rinoona nezveAfrica, Amai Harriet Baldwin, vanonzi vakazivisa kuti panofanirwa kunge paine zvinoonekwa panyaya yeZimbabwe pakubhara zvikwereti zvayo kumasangano ekunze anokweretesa mari.

Amai Baldwin vanonzi vakati ivo pachezvavo vanoona zvakavaomera kuti vatsigire kudzoka kweZimbabwe mumubatanidzwa weCommonwealth zvichitevera kuurayiwa kwakaitwa vanhu nemauto muna Nyamavhuvhu gore rapera pamwe nemuna Ndira gore rino, uye kuenderera mberi kwekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Vakatiwo muitiro wakadai haukodzeri kuitwa nenhengo yemubatanidzwa uyu, sezvo nyika dziri.

Ukuwo, mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vachipindura mashoko aMai Baldwin, vakati Zimbabwe haisi kushaya hope nekuda kudzokera muCommonwealth.

VaCharamba vakati kudzokera kwavo mumubatanidzwa uyu hakufanirwe kufadza divi rimwe chete.

Zimbabwe yakanyorera ichikumbira kudzokera muCommonwealth gore rapera, uye sangano iri rakatumirawo vaongorori vesarudzo kuzotarisa sarudzo dzakaitwa gore rapera, izvo zvakaita kuti vakawanda vafunge kuti hukama hwemapoka maviri aya hwakanga hwave kudzokera pamakare.

Vamwe vane maonero ekuti Zimbabwe yakasadzokera mugungano iri inenge yarasaikirwa nemukana wakakosha kwazvo.

Asi vamwewo vakaita saVaGadzira Chirumhanzu, avo vanoongorora zvamatongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, vanoti Zimbabwe haifanirwe kunyengerera kudzokera muCommonwealth.

Chizvarwa cheZimbabwe, Amai Theresa Majonhi, avo vanogara kuLondon, kuBritain, vanoti vanofunga kuti Zimbabwe inenge yarasikirwa nemukana wakakosha zvikuru wekuti inge ichidzokera musangano reCommonwealth.

Amai Majonhi vanotiwo kupinda musangano iri kwaizopa vana veZimbabwe mikana yakawanda kwazvo inosanganisira kuwaniswa masikorashipi ekuti vaende kunodzidza muzvikoro zvenyika dziri mumubatanidzwa uyu.

Vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaburitsa Zimbabwe muCommonwealth muna 2003 mushure mekunge ivo nevamwe vavo vatemerwa zvirango zvichitevera sarudzo dzakaitwa muna 2002 idzo dzakakonzera mutauro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG