Rimwe sangano rezvizvarwa zveZimbabwe zviri mumatunhu eDistrict of Columbia, Maryland, Vriginia neWest Virginia muAmerica, reCoalition Of Zimbabweans in the DC Area (COZDA), riri kuenderera mberi nekuzadzisa zvarakaumbirwa, zvekubatsira vana vari kumusha vanotambura.
Sachigaro veCOZDA, VaJonah Masiya, vanoti rwendo rwuno sangano ravo rakaunganidza mayunifomu emutambo wenhabvu ayo vachanogoverwa kuzvikoro zviri kuZimbabwe.
VaMasiya vanoti pamusoro pezvo, sangano ravo ragara richibatsira vana kuburikidza nekuvabhadharira mari dzezvikoro, kuwanisa vamwe zvekudya pamwe nekuti vakwanise kurapwa kuzvipatara vachibhadharirwa mari.
Vanotiwo vanounganidza rubatsiro urwu kubva kunhengo dzavo, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, pamwewo nemadzisahwira avo anobatsirawo nezvakasiyanasiyana.
Sangano reCOZDA rakaumbwa muna Kubvumbi gore rapera uye munguva ino yeCOVID-19 riri kurerutsawo ndima kuburikidza nekuwanisa zvikwanisiro zvekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana kuzvipatara pamwe nemasangano akasiyanasiyana ari kumusha.
Facebook Forum