Accessibility links

Breaking News

Mari Yakatumirwa Kumusha neZvizvarwa zveZimbabwe muMwedzi Gumi yeGore Rino Inokwira Zvichienzaniswa neGore Rapera


Mari yakatumirwa kumusha nevari kunze kwenyika mumwedzi gumi yegore rino inonzi nebhanga guru renyika yakakwira nezvikamu makumi mana nezvisere kubva muzana.
Mari yakatumirwa kumusha nevari kunze kwenyika mumwedzi gumi yegore rino inonzi nebhanga guru renyika yakakwira nezvikamu makumi mana nezvisere kubva muzana.

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) rakakazivisa kutanga kwesvondo rino kuti mari yakatumirwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kubva muna Ndira kusvika muna Gumiguru gore rino yakadarika zvishoma mamiriyoni mazana manomwe nemakumi matanhatu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$760 million.

Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vakazivisa neMuvhuro kuti gore rino mari yakatumirwa kumusha mumwedzi gumi iyi yakakwira nezvikamu makumi mana nezvisere kubva muzana, kana kuti 48 percent, zvichienzaniswa nemari yakatumirwa munguva imwecheteyo gore rapera.

RBZ yakati mari yakatumirwa muna 2019 mumwedzi gumi iyi yakadarika zvishoma mamiriyoni mazana mashanu negumi nematatu emadhora, kana kuti US$513 million.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvino zvakaratidza kushanduka nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakakonzera kudzikwa kwemitemo yakasiyanasiyana pasi rose.

Doctor Chitambara vanoti kare vanhu vaitumira mari kumusha nenzira dzakasiyanasiyana, dzimwe dzacho dzaiita kuti mari dzatumirwa dzisazivikanwa nehurumende, asi kubva padzikwa mutemo unorambidza vanhu kufambafamba, vanhu vose vave kumanikidzwa kushandisa mabhanga kana makambani anoita zvekutumira mari.

Vanoti semuenzaniso, zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvisimbotumira dzimari nevatyairi vemabhazi kana vemichovha zvakanga zvisisakwanise kuita izvi mushure mekunge mabhazi amborambidzwa kufamba, izvo zvakaita kuti vanhu ivava vatumire mari nemikana inozivikanwa, iri amutemo.

Doctor Chitambara vanoti mari iri kubva kunze iyi yakakosha zvikuru mukuumba hupfumi hwenyika, nekudaro hurumende inofanirwa kuitawo zvinhu zvinokwezva zvizvarwa zvayo zviri kunze izvi kuti zvitumire mari yakawanda kumusha, zvakaita sekuzvibvumidza kuvhota pamwe nekuzviwanisa zvikwereti zvekuvaka kana kutenga zvivakwa sezviri kuitwa nedzimwe nyika dzakaita seEthiopia neNigeria.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG