Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inombochengetedza Mukuru Mukuru Anomirira Vashandi muAfrica


Refugees fleeing anti-immigrant violence are processed by immigration officers at a transit camp in Beit Bridge, ZImbabwe, April 24, 2015.
Refugees fleeing anti-immigrant violence are processed by immigration officers at a transit camp in Beit Bridge, ZImbabwe, April 24, 2015.

Munyori mukuru wesangano reInternationl Trade Union Confederation, ITUC, mudunhu reAfrica, VaKwasi Adu Amankwa, avo vasvika munyika neChipiri, vapedza zuva rese vakachengetedzwa nevebazi rinoona nezvekupinda munyika, vakazoburitswa kuti vadzokere kuhotera kwavo mushure mekunge hurumende yaenderwa kumatare edzimhosva.

VaAmankwa, avo vanobva kuGhana, vasvika munyika mangwanani eChipiri vaine magwaro avo akakwana varegwa vachipinda munyika.

Asi VaAmankwa vati vashamisika vave kuudzwa kuti vave vadzokere kunhandare yendenge yeRobert Mugabe International Airport uko vazopedza zuva rese vave kutyirwa kuti vachadzorerwa kunyika kwavo.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, iro rakavakoka, nemasangano anomirira vashandi muAfrica anyorera kuhurumende yeZimbabwe achishora mabatirwo aVaAmamkwa pamwe nekuti hurumende yeZimbabwe ipe chikonzero chapa kuti ivachengetedze.

Apo VaAmankwa vanga vari kunhandare yengege, ZCTU yakwidza nyaya iyi kudare repamusoro reHigh Court ichida kuti vasadzoswe kunyika kwavo.

Gweta raVaAmankwa, VaObey Shava, vaudza Studio7 kuti vanoda kuti bazi rezvemukati menyika ritsangure mabatiro araita VaAmankwa.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio7 kuti VaAmankwa vazoburitswa manheru uye vanofunga kuti kumhanya kudare kwavaita, ndiko kwaita kuti hurumende idzokere kumashure panyaya iyi.

VaMoyo vanoti vazosangana naVaAmankwa uye tariro yavo ndeyekuti vachaenderera mberi nemisangano yavo.

VaAmankwa vachasangana nevakuru vakuru veZCTU vachinzwa nekusungwa kwavakaitwa mwedzi wapera pamwe nekunzwa kuti zvinhu zvamira sei munyika.

Vachasangananawo negurukota rinoona nezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, pamwe nemasangano eInternational Labour Organisation pamwe neEmployers Conferderation of Zimbabwe

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG