Accessibility links

Breaking News

VaMutodi Voyambira MDC Kuti Isazoyeuke Bako Yanaiwa


Energy Mutodi, Zimbabwe’s junior information minister, says the government is doing all it can to normalize the fuel situation and to address the economy.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari nhengo yeZanu PF, VaEnergy Mutodi, vanoti hurumende haasi kuzopeta maoko ichisiya MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa ichiita mhirizhonga munyika kuburikidza nekuratidzira kwairi kuda kuita nemusi weChishanu.

VaMutodi vanoti MDC iri kuda kushandisa kuratidzira uku senzira yekupidigura hurumende yakasarudzwa zviri pamutemo.

VaMutodi vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakasarudzwa zviri pamutemo, nokudaro vacharamba vachitonga kudzamara dzimwe sarudzo dzaitwa muna 2023.

Asi vanoti vari kushamisika zvikuru kuona MDC ichironga kubvisa VaMnangagwa pachigaro nenzira dzisiri pamutemo.

Asi MDC inoti iri kuratidzira ichashandisa kodzero dzayo dzakachengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika.

Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vanoti kuratidzira kwavo kuchaitwa murunyararo sezvo vagara vari bato rinoremekedza mitemo yenyika.

VaChibaya vanoti zvisineyi kuti havasati vawana mhinduro kubva kumapurisa, kuratidzira kwavo kuri kuenderera mberi nemusi weChishanu.

Asi VaMutodi vanoti MDC inogara yakati icharatidzira murunyararo asi ratidziro idzi dzichizopedzisira dzaita mhirizhonga.

VaMutodi vanotiwo sebato reZanu PF riri kutonga, vari kuzviziva kuti MDC iri kuratidzira kuitira kuti VaMnangagwa vabviswe pachigaro.

“Vakuru vari kuti vachange vari mberi mekuratidzira uku ndinovayambira kuti vasazoyeuka bako vanaiwa,” vadaro VaMutodi.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti mashoko aVaMutodi haana kunaka sezvo achiratidza kuti havatevedzeri mitemo yenyika.

Kuratidzira kuri kurongwa neMDC kunotevera kurudziro yakaitwa muna Ndira nesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions yekuti vanhu vagare mudzimba dzavo kwemazuva matatu.

Asi vanhu vakapinda mumigwagwa vachiratidzira.

Kuratidzira uku kwakapedzisira kwaita mhirizhonga iyo yakaona vanhu vanosvika makumi maviri vachifa mushure mekupfurwa nemabara epfuti.

Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rinoti pamhirizhonga yakaitika muna Ndira, pane vanhu makumi matanhatu nevasere vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti, uye vanhu vanodarika zana vaive nemaronda airatidza kuti akakonzerwa nesimbi nezvimwe zvombo zvinocheka.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti mumazuva matatu akadaidzirwa neZCTU kuti vanhu vagare mudzimba dzavo, vakaona mapurisa achishandisa zvombo zvehutsi hunokachidza pavanhu vairatidzira vasina zvombo, uye vakaonawo masoja aive nepfuti dzemhando yeAK-47.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG