Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Veruzhinji Kugeza Mazino Kaviri, Katatu paZuva


Nyanzvi dzehutano hwemazino dzinokurudzirawo kuti vanhu vatariswe mazino avo kunyange pasina ari kurwadza.
Nyanzvi dzehutano hwemazino dzinokurudzirawo kuti vanhu vatariswe mazino avo kunyange pasina ari kurwadza.

Nyanzvi dzehutano hwemazino dziri kukurudzira veruzhinji kuti vageze mazino avo kaviri kana katatu pazuva kuitira kuti as abate zvirwere.

Nyanzvi munyaya dzehutano hwemazino dzinoti vanhu vakawanda munyika havakoshesi hutano hwemazino avo, izvo zvinozoita kuti munhu abatwe nezvirwere zvinovhiringa mazino.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Egnella Mushawatu, vakanga vasinanyanyotore hutano hwemazino zvakakosha izvo zvakazoita kuti vaore mazino maviri, ayo akazonamwa gore rapera.

Amai Mushawatu vanoti vakazotanga kunyanya kukwesha mazino vaita pamuviri gore rakapfuura sezvo mukanwa mavo maingoshata zvinova zvinhu zvavaisaita kwemakore akawanda.

Mukuru wekiriniki yemazino iri pasi pekanzuru yeHarare, Dr Ebenezar Ngwenyama, vanoti mukanwa ndiro girazi kana chionioni chemuviri wese, nokudaro, munofanirwa kugara makachena nguva dzose.

Dr Ngwenyama vakatsanangura zvirwere zvinonyanya kubata mazino evanhu vanouya kumakiriniki eKanzuru yeHarare

Dr Ngwenyama vanoti pane vanhu vanouyawo zvakare nezvimwe zvirwere zvinenge gomarara kana maronda emumukanwa nemaronda eparurimi.

Dr Ebenezar vanoti vanosanganawo nevarapwi vavanhu vatsemuka mazino mutsaona nevaye vane mazino asina kumira mumutsetse nemamwe.

Imwe nyanzvi yehutano hwemazino, Dr Tariro Manyanga, vanoti zvinokurudzirwa kuti munhu wese anofanirwa kuongororwa mazino ake chero pasina ari kurwadza.

Dr Manyanga vanoti vabereki vanofanira kudzidzisa vana nezvehutano hwemazino pavanotanga kubuda zino rekutanga kuitira kuti vakure vaine tsika yokuchengetedza mazino aya.

Dr Manyanga vanoti kunyange hazvo kiriniki iyi iine hunyanzvi hwekuumba mazino anonzi madentures, ayo anokwanisa kupfekerwa pamavende, ma dentures aya anodhura zvekuti vanhu vashoma vanokwanisa kuutenga.

Dr Manyanga vanoti zvakakosha kuti munhu agare akachengetedza hutano hwemazino ake kuitira kuti agare akasimba, uye aine hutano hwakanaka.

Imwe nyanzvi yehutano hwemazino pakiriniki iyi, VaPetros Magaso, vanoti kanzuru yeHarare inoona vanhu vanooya kuzorapwa mazino vanodarika makumi mashanu kumakiriki matatu anosanganisira makiriniki ekuKuwadzana nekuMabvuku uye pane hurongwa hwekuvhura imwe kiriniki yemazino paTariro Clinic kuHopley.

Nyaya ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG