Accessibility links

Breaking News

Kuratidzira Kwoenderera Mberi kuMusangano weUnited Nations


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUnited Nations General Assembly
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUnited Nations General Assembly

Zvimwe zvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica zvakaungana pamuzinda weUnited Nations muguta reNew York apo pari kuitirwa musangano wechimakumi manomwe nembiri weUnited Nations General Assembly kana kuti UNGA 72nd Session, apo zviri kuratidzira kune mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMugabe vari kutarisirwa kutaura nemusi weChina masikati pamusangano uyu.

Mumwe wevari kuronga kuratidzira uku, Muzvare Savanna Madamombe, vanoti zvakawanda zvavari kunyunyuta nazvo zvinosanganisira kurambidzwa kuvhota kwevari kunze kwenyika uye kuti hurumende haisi kuvapa mukana wekutaura nhuna dzavo.

Muzvare Madamombe vanoti zvimwe zviri kuvashungurudza kushandiswa kwemari kwavanoti kusina kutsarukana munzendo dzaVaMugabe.

Vanoti vacharatidzira zvakare pamuzinda weZimbabwe uri muNew York makare.

VaMugabe vanonzi vakaenda kumusangano uyu nechikwata chevanhu vanodarika makumi manomwe, kusanganisira vana vavo pamwe nemukuwasha wavo.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vanhu ava vari kupiwa mari inosvika madhora chiuru nemazana mashanu pazuva, uye vachitarisirwa kugara kwemazuva gumi.

Hurukuro naMuzvare Savanna Madamombe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG