Accessibility links

Breaking News

Sangano reZimbabwe Vigil Romutsiridza Kuratidzira Kwaro paMuzinda weZimbabwe muLondon


Zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira zviri pamuzinda weZimbabwe muLondon
Zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira zviri pamuzinda weZimbabwe muLondon

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBritain zvinove nhengo dzesangano reZimbabwe Vigil, iro rinogaroratidzira riri pamuzinda weZimbabwe uri muLondon, zvakatanga zvakare kuratidzira pamuzinda apa neMugovera svondo rapera mushure mekunge zvambomira kwemwedzi inodarika gumi nemitanhatu nekuda kwedenda reCovid-19.

Vanoona nezvezvirongwa musangano reZimbabwe Vigil, VaEphraim Tapa, vanoti kunyange hazvo nhengo dzesangano ravo dzakanga dzambomira kuungana dzichiratidzira pamuzinda uyu, dzakaramba dzichiratidzira dziri kudzimba dzichishandisa madandemutande.

VaTapa vanoti chikuru chavagara vachinyunyuta nacho chinoita kuti varatidzire ndechekuti matambudziko anotarisana nevana veZimbabwe, akaita sekutyorwa kwekodzero dzevanhu, kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu uye kusavepo kwesarudzo dzakasununguka, achiri kuenderera mberi kunyange hazvo hutungamiri hwakashanduka.

Vanotiwo vakasunga kuti vange vachimbosangana mushure memasvondo maviri oga-oga vachionawo kuti denda reCovid-19 rinenge rakamira sei.

Hurukuro naVaEphraim Tapa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG