Accessibility links

Breaking News

Zvivakwa Zviri paGlen View Home Industry Zvinoputswa


Demolutions Glenview 8
Demolutions Glenview 8

Kanzuru yeguta reHarare nhasi yafumira kuputsa zvivakwa zvisiri pamutemo mumusha weGlen View 8.

Nzimbo yaputswa zvivakwa inozivikanwa nekunzi Glen View Home Industry.

Mumwe wevaputsirwa pavanga vachishandira, VaGodfrey Machinga, vati vasiiwa vari panyanga dzamushore sezvo vanga vari kuraramiswa nekugadzira masofa vachiatengesa vari paHome Industry apa.

Mumwe muzvinabzizimusi angoda kuzivikanwa nekunzi Tinashe audza Studio 7 kuti vakanzwa runyerekupe madeko rwekuti kanzuru ichazoputsa asi ati pavamukira makuseni kuti vabvise midziyo yavo vawana kanzuru yatotanga kupwanya.

Mumwe murume ati anonzi VaTachiona, ati arasikirwa nemari yakawanda zvikuru sezvo pazvinhu zvaanogadzira pasina chaakwanisa kubudisa.

Mumwe mugari, VaHardlife Mpezeni, vatiwo varasikirwa nezvigadzirwa zvavo mushure mekubirwa vachiti kune motokari dzatakura masofa nemibhedha yavo vasati vaputsirwa.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vati kanzuru yeguta reHarare yaputsa misasa yevemabhizimusi ava nekuti yakavakirwa muberevere menzira.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mudunhu reHarare nenzvimbo dzakaipoteredza, VaTafadzwa Muguti, vakapa yambiro kuti vachange vachizochenesa guta reHarare kuburikidza nekuparadza zvivakwa zvese zvisiri pamutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG