Accessibility links

Breaking News

ZDI Inoti Mauto Akagara Achipindira Mune Zvematongerwo eNyika


Sangano ravana chipangamazano, reZimbabwe Democracy Institute, raburitsa gwaro rinoratidza kuti mauto akatanga kupindira munyaya dzamatongerwo enyika pamwe nehupfumi kare uye rinoti harina kushamiswa apo mauto akazomanikidza vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasiye basa mwedzi wapfuura.

Vachiparura gwaro rakanyorwa mushure meongororo yakaitwa nesangano ravo kubva muna Mbudzi gore rapfuura kusvika muna Mbudzi gore rino, iro rakanzi “Zimbabwe Transition in a Muddy Terrain, Political Economy under Military Capture” mukuru weZDI, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vati mauto akapinda munyaya dzematongerwo enyika kare uye hazvina kuvashamisa apo vakazobvisa VaMugabe pachigaro.

Ongororo iyi yakaitwa pachibvunzurudzwa vanhu vanodarika makumi mana vanosanganisira vari muchiuto, muchipurisa, vasori kana vaimbove mumabasa aya nevakarwira hondo yerusununguko, inoratidza kuti vechiuto vave munyaya dzehupfumi uye vakabata makambani nemapazi ehurumende akakosha.

Semuenzaniso, mauto nevasori vakazara mukomisheni yesarudzo, makambani ehurumende, uyewo vainge vakabata makambani aichera mangoda kwaMarange.

Asi VaRuhanya vati chikuru chakosha ndechekuti zvese zviri kuitika izvi hazvibvumidzwe nebumbiro remitemo yenyika.

"Basa remauto ibasa rekudzivirira nyika. Havafanirwi kuwanikwa vachiita zvematongerwo enyika, kana kusapota ripi zvaro bato kusvika va retire in politics," Doctor Ruhanya vanotsanangura.

Zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvev anhu vakabvunzurudzwa zvinoti hazvifariri kupindira kwemauto munyaya dzematongerwo enyika nehupfumi.

ZDI inoti nekuda kwekugunun’una kuri kuita veruzhinji, zvakakokosha kuti mutungamiri aripo nehurumende vaone kuti mauto haapindire munyaya dzisinei nawo.

Vanotiwo zvakakosha kuti vemasangano anoshanda akazvimrira, mapato anopikisa, pamwe nevanhuwo zvavo, vaone kuti mitemo yenyika yatevedzwa.

Vanoongorora zvamatengerwo enyika vakazvimira, VaTakura Zhangazha, vaudza Studio7 kuti zvinyorwa zveZDI zvakakosha sezvo zvichipa veruzhinji mukana wekunzwisisa kuti zvinhu zviri kufamba sei munyaya dzematongerwo enyika.

"Zvaburitswa neZDI zvakanaka chose nokuti zvinobatsira kuti vanhu vazive kuti zvinhu zvakamira seyi. Vanhu vanoziva kuti vanotongwa zvakanaka here kana kuti yatinoti democracy yakamira seyi munyika," vadaro VaZhangazha.

VaCollin Chibango vekuElection Resource Centre, vati kunyange hazvo ongororo iyi yakaitwa mauto asati abvisa VaMugabe pachigaro, inoburitsa pachena humbowo hwekuti mauto ange agara achipindira munyaya dzevanhu. Asi vanoti zvakakosha kuti vanhu varatidze simba ravo.

Mukuru weYouth Forum Zimbabwe, VaWellington Zindove, vaudza Studio7 kuti zvichitevera kubatana kwemauto neveruzhinji pakubvisa VaMugabe pachigaro, vanhu vave nemukana wekuudza mauto zvavanoda kwete kuarega achiita madiro aJojina.

ZDI inoti hurumende inofanira kushandura mashandire emauto pamwe nemamwe mapazi anoita zvekuchengetedzwa kwenyika pamwe nekuumba komiti yakazvimirira yekuongoorora zvichemo zveruzhinji pamusoro pemauto.

Sangano iri rinotiwo zvakakosha kuti vemapato anopikisa vaitewo zvirongwa zvinoita kuti vawane rutsigiro kubva kumauto pamwe nevakarwa muhondo yerusununguko.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG