Accessibility links

Breaking News

Pachaita Kuratidzira Pamuzinda weZimbabwe muPretoria Nhasi, Chishanu


Mureza weZimbabwe
Mureza weZimbabwe

Pane hurongwa hwekuratidzira nhasi Chishanu mangwanani pamuzinda weZimbabwe, muguta rePretoria muSouth Africa.

Kuratidzira uku kuchatangidza nenguva dza 10 o’clock uye panotarisirwa zvizvarwa zve Zimbabwe, zvizvarwa zve South Africa, masangano anorwira kodzero dzevanhu, vezvematongerwo enyika, nevamwe.

Kuratidzira uku kuri kuitwa zuva rimwe chete mushure mekunge mutungamiri we South Africa, VaCyril Ramaphosa, vadoma nhumwa mbiri, VaSydney Mufamadi na Amai Baleka Mbete, kuti vaite hurukuro nehurumende ye Zimbabwe pamusoro pezviri kunetsa munyika, zvikuru sei kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu, re Human Rights Watch, kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti zvaitwa naVaRamaphosa zvinofadza sezvo vave mutungamiri we South Africa wekutanga kutaura pachena kusafara nezviri kuitwa mu Zimbabwe.

Munyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, havana kudaira nharembozha yavo kuti tinzwe divi ravo.

VaMavhinga vanoti mazuva ekuita zevezeve, kana kuti ‘quiet diplomacy’, apfuura sezvo nyika zhinji pasi pose dzichishora uye dzichida kuziva zvirikuitwa neSouth Africa, pamwe chete neSouthern Africa Development Community, pamusoro pezviri kuramba zvichinetsa muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG