Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Achatora Basa Rakasiyiwa naVaMohadi?


FILE PHOTO - On Dec. 28, 2017, Zimbabwe’s newly appointed vice president Kembo Mohadi reacts as he looks on during the swearing-in ceremony in Harare.
FILE PHOTO - On Dec. 28, 2017, Zimbabwe’s newly appointed vice president Kembo Mohadi reacts as he looks on during the swearing-in ceremony in Harare.

Kusiya basa nezuro kwevaimbove mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vachipomerwa nyaya dzehupombwe, kwamutsa mutauro mukuru munyika wekuti ndiyani achatora chigaro chavo.

Mazita ari kutaurwa anosanganisira nhengo dzePolitburo, murongi wemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, gurukota redzidzo yepasi, VaCain Mathema, mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, Amai Sithembiso Nyoni kozoti vaimbove mukuru weZimbabwe Defence Industries, VaTshinga Dube, gurukota redunhu reBulawayo, Amai Judith Ncube, mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda pamwe nemukuru wemauto, General Valerio Sibanda.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika, VaStephen Sibanda, vati zviri pachena kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachadoma munhu anobva kuZapu sezvo VaMohadi vaibva kubato iri.

Vati mazita mazhinji ari kudomwa ndeevanhu vane nhoroondo mubato riri kutonga.

VaAlphios Mapuranga vati vanoona sekuti chigaro ichi chichapihwa munhu ane nhoorondo yechiuto.

Chipangamazano musangano reRevolutionary Research Institute, VaTjenesani Ntungakwa, vaudza Studio7 kuti chibvumirano cheUnity Accord cha1987 chakaenda nevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, uye vanoona sekuti VaMnangagwa vachasarudza munhu wavanovimba naye zvisinei kuti ndiye anokodzera kuvepo here kana kuti kwete.

Vati kubvira muna 1987 paidomwa vanhu pachigaro ichi pachitevedzewa hukuru hwevanhu kubva kuZapu asi mazita mazhinji ari kutaurwa, ane vanhu vasingakodzeri kutora chigaro ichi kana izvi zvikatevedzwa.

Izvi zvatsinhirwa naVaButler Mwarwizi avo vakarwa hondo vari kuZipra.

VaMagwizi vati havanei nekuti ndiani adomwa asi kuti vanoda munhu anoyananisa vanhu munyika.

Pasi pebumbiro remitemo yenyika, mutungamiriri wenyika ndiye anodoma vatevedzeri vake.

Mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, varamba kutaura zvinji pamusoro pekuti ndiyani achatsiva VaMohadi kuhurumende vachiti inyaya yemutungamiriri wenyika nehurumende.

Kunyange hazvo vakasiya basa kuhurumende, VaMohadi havasati vasiya chigaro chavo kuZanu PF uko vari mumwe wevatevedzeri waVaMnangagwa.

VaMohadi vakasiya basa nezuro mushure mekufumurwa pamadandemutande akaburitsa mavhidhiyo ane mashoko aVaMohadi vachitaura nyaya dzepabonde nemadzimai echidiki anosanganisira madzimai akaroorwa.

Nyaya iyi yaigara yakaburitswa nebepanhau repaindaneti, reZimLive, VaMohadi vakambobuda svondo rapera vachiti aive manyepo, asi ZimLive yakati yaimira nenyaya dzayo dzokuti VaMohadi vari kushandisa chinzvimbo chavo zviri izvo uye vachikonzeresa kuparara kwedzimba.

Bato reZanu PF richaita musangano waro wePolitiburo mangwana uye nyaya yaVaMohadi inotarisira kuzeyiwa pamusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG