Dambudziko rakakonzerwa nedutumupengo Cyclone Idai rinonzi nevakawanda rakaburitsa pachena mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzekunge nyika yatarisana nenjodzi.
Vamwe vanoti zvakabuda pachena kuti hurumende haikwanise kubata matambudziko akadai iri yoga, sezvo vanhu vakafa pamwe kukuwara mutsaona iyi vasati vawana rubatsiro rwunotarisirwa panguva ino.
Asi nhengo yeboka revechidiki muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti hurumende iri kuratidza chose kuti inokwanisa kubata matambudziko akadai, sezviri kuonekwa izvozvi kuburikidza nekubatsirwa kuri kuitwa vanhu vakawirwa nedambudziko.
Asi mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vanoshoropodza hurumende nekuti haina kutora matanho ekubvisa vanhu vose vakawirwa nedambudziko ichivaisa kunzvimbo dzakachengetedzeka.
VaMaguwu vanoti dai hurumende yakashandisa mitero yevanhu yainobata nenzira kwayo, dai vanhu vose vakafa vasina kuwirwa nedambudziko iri.
Vanotiwo hurumende haina kuzivisa vanhu nezvehudzamu hwenjodzi yavakanga vakatarisana nayo kunyange hazvo yakanga yaziva nezvedutumupengo iri pachine mazuva gumi risati rasvika munyika kubva kuMozambique.
Asi VaMugwadi vanoramba mashoko aya vachiti hurumende yakakwanisa kuzivisa vanhu nezvenjodzi yeCyclone Idai iyi pachine pamazuva, asi vamwe vagari vakaramba kusiya misha yavo.
Vanotiwo mushure mekunge dambudziko raitika, hurumende yakaisa mauto pamwe nevemapoka anobatsira kuti vashande munzvimbo idzi mukununura vakakuwadzwa pamwe nevakanga vaparadzirwa misha yavo.
Facebook Forum