Accessibility links

Breaking News

Mitumbi yeVakafa muTsaona yeCyclone Idai Yofukurwa Kubva muMadhaka


Imwe mhuri ichifukura mutumbi wemwanakomana wayo akafushirwa mumadhaka pakawondomoka gomo kuChimanimani.
Imwe mhuri ichifukura mutumbi wemwanakomana wayo akafushirwa mumadhaka pakawondomoka gomo kuChimanimani.

Mumiriri weManicaland muparamende pasi pehurongwa hwe Proportional Represenation, Amai Lynette Karenyi, veMDC, vanoti basa rekutsvaga mitumbi yevanhu vangadai vakafuchirwa nemadhaka mutsaona yeCyclone Idai pamwe nevamwe vangadai vachiri vapenyu riri kuenderera mberi muChimanimani neChipinge.

Amai Karenyi vanoti dzimwe mhuri dziri kuita zvekufukura mitumbi yehama dzadzo dzakafushirwa mumadhaka nematombo pakawondomoka gomo, pamwe nepasi pedzimba dzakaparadzwa vanhu vareremo, mimwe mitumbi ichiwanikwa munzizi.

Asi vanoti dambudziko guru richiripo nderekuti vanhu vawane rubatsiro, zvikuru rwechikafu, sezvo vanhu vakawanda vari kunzvimbo dziri kure dzakaita sekwaMutsvangwa, vachinzi havasati vakwanisa kuwana rubatsiro rwezvekudya.

Vanotiwo mishonga, zvikuru yemaARV, yakwanisa kusvitswa pakirinika yeMutsvangwa, uyewo madzimai matatu pamadzimai gumi nevatatu vakazvitakura vari pakirinika iyi vanonzi vakwanisa kusunuguka zvisina dambudziko.

Hurukuro naAmai Lynette Karenyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG