Accessibility links

Breaking News

Kambani yeEconet Group Yotungamira Mukubatsira Vakawirwa neTsaona yeCyclone Idai


Kambani yeEconet Group yabatsirawo nekupa mabhokisi makumi mashanu achashandiswa mukuviga vafi kuChimanimani neChipinge.
Kambani yeEconet Group yabatsirawo nekupa mabhokisi makumi mashanu achashandiswa mukuviga vafi kuChimanimani neChipinge.

Kambani yenharembozha, yeEconet Group, inoti yatumirawo michina yechizvinozvino, yema drone, pamwe nezvikopokopo nezvikepe kuti zvibatsire mukutsvagwa kwevanhu vakashaya mutsaona yedutumupengo Cyclone Idai pamwe nevachiri vapenyu kuManicaland.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muEconet Group, VaFungai Mandiveyi, vanoti kambani yavo yakakwanisawo zvakare kubatsira nemabhokisi ekuvigisa vafi anosvika makumi mashanu, pamusoro pezvimwe zvakawanda zvairi kubatsira nazvo mutsaona yemafashamu iyi, zvinosanganisira mari.

"Ma drone tagara tichiashandisa mubasa redu kuona kuti michina yedu yakamira zvakanaka here kana kuti yave kuda kugadziriswa. Asi takaona kuti tinogona kuashandisawo mukutsvaga vakapona mutsaona iyi. Ma drone ari nani pane zvikopokopo nedzimwe nguva nekuti anogona kupinda pasingakwanisi kupindwa nechikopokopo, uye anogona kubhururuka ari pasi chaizvo."

VaMandiveyi vanoti kambani yavo iri kurwisawo kuti masaisai awanikwe munzvimbo idzi kuburikidza nekugadzira michina yavo yakarohwa nedutumupengo iri.

Vanoti vari kubatsirawo nekupa makadhi ekufonesa kana kuti air time kuvanhu vari mumapoka akasiyanasiyana vari kushanda mukubatsira kutsvagwa kwevanhu, kuvhura migwagwa, nemamwe mabasa.

Econet ine vanhu vari kubatsira vakawanda, uye yakatovhura muzinda wayo wekusvikira rubatsiro uyo uri maMutare. Vamwe vevari kubatsira ndavanachiremba.

Kambani iyi yazivisawo kuti yabatana neAir Zimbabwe mukutakurwa kwerubatsiro kubva kuvanhu vari kuVictoria Falls neBulawayo kuenda kuHarare uko rubatsiro urwu rwunozorongedzwa rwusati rwananga kwaMutare kwarwunozosusukidzwa kuenda kunzvimbo dzine dambudziko.

Hurukuro naVaFungai Mandiveyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG