Vagari vekuChimanimani vanoti vari kufadzwa nekukwanisa kwakaita vana vavo kuvhurwa zvikoro mushure mekunge zvaparadzwa nemafashamu edutumupengu Cyclone Idai.
Mumwe mugari wekuChimanimani East, uye vari kanzura weWard 23, VaJoel Dhumakwezu, vanoti kunyange hazvo midhuri yezvimwe zvikoro isati yavakwa, vana vari kudzidzira mumatende akapiwa nemamwe emasangano ari kubatsira kumutsiridza zvikoro zvakaparadzwa nemvura izvi.
Asi vanoti dambudziko ravachiri kutarisana naro ndere pekugara pevarairidzi, sezvo dzimba zhinji dzakaparadzwa nemvura dzisati dzavakwa patsva, uye mimwe migwagwa isati yanyatsovhurwa zvakakwana.
Zvikoro zvave nemasvondo maviri zvavhurwa munyika yose, uye hurumende yakazivisa kare kuti zvose zvakakanganiswa nemafashamu zvaizovhurwa, ichiti zvisisapindiki zvaizoendeswa kune zvimwe zvikoro zvisina kuparadzwa.
VaDhumakwezu vanotiwo kunyange hazvo rubatsiro rwuri kupiwa vanhu rwadzikira, vamwe vachiri kubatsirwa nematendi ekuti vawane pekugara, mwedzi miviri dambudziko iri rawira vagari vemuChimanimani neChipinge.
Facebook Forum